Rimwe remasangano evagari vemuHarare, reHarare Residents Trust, rinoti rine hurongwa hwekusangana nameya weguta reHarare, VaBernard Manyenyeni, pamusoro pemashoko ekuti kanzuru yakati vagari vari kuSt. Martins nenzvimbo dzakapoteredza, vadzure chibage chavo chakarimwa munzvimbo dzisina kuvakirwa.
Mukuru wesangano iri, VaPrecious Shumba, vanoti vanoona sekunge danho rekanzuru iri risiri kukoshesa mamiriro akaita zvinhu munyika munyaya dzechikafu, sezvo riri kuuya panguva iyo nyika iri kutatarika nenzara.
Svondo rapera kanzuru inonzi yakakurudzira vagari vakarima munzvimbo dzisina kuvakirwa kuSt. Martins, Airport Road nepedyo neCatholic University kuti vabvise chibage chavo kuitira kuti kanzuru ikwanise kutanga kuita basa rekugadzirisa masitendi ekuvakira dzimba zvakarongeka.
Kanzuru inonzi ine hurongwa hwekugadzirisa masitendi anodarika mazana maviri nemakumi matatu kuitira kuti itange kupa vanhu pekuvakira dzimba.
VaShumba vanoti kanzuru yaVaManyenyeni inofanirwa kunge iri kanzuru iri kushanda nevanhu vakasarudzwa nevanhu, kwete vatungamiri vezvematongerwo enyika.
“Dambudziko riripo nderekuti kanzuru yedu yatsemuka nepakati, nekuti pane vamwe vashomashoma vane kwavanowana mashoko ekutaurira nyika, saka kana kanzuru ichitaura kudai iri kurwisa vagari,” VaShumba vanodaro.
Asi mutauriri weguta reHarare, VaMichael Chideme, vanoti hachisi chokwadi kuti kanzuru yavo iri kuda kuti chibage chose chakarimwa munzvimbo idzi chibviswe.
VaChideme vanoti kanzuru yavo inongove nehurongwa hwekuti vagari vashomashoma vabvise chibage chavo munzvimbo dikidiki yavari kuda kuisa migwagwa nepombi dzemvura netsvina.
“Takazivisa vagari venzvimbo inonzi St. Martins kuti pavakarima chibage pane patinoda kuvhura nzira, patiri kusevhisa masitendi ekuti vanhu vawane pekugara panotenderwa,”VaChideme vanodaro.
Vanoti vanhu ava vagara vachingoudzwa makore ose kuti apa pachauya dzimba, apa pachauya dzimba, asi iye zvino kanzuru yeHarare ndipo payave kuda kuchitanga kuita basa rayo.
VaChideme vanoti kanzuru yavo iri kutanga svondo rino kugadzira migwagwa yekuti vatange kuita basa rekugadzira pekuvakira dzimba iri.