Vanachiremba vakuru vabatana navanachiremba vadiki mukuratidzira vachizivisa hurumende kuti havasi kuzoshanda kuzvipatara zvehurumende pamwe nekumasejari kwavo kusvika mumwe chiremba anonzi akapambwa neMugovera awanikwa.
Doctor Peter Magombeyi, avo vakafanobata chigaro chemutungamiriri weZimbabwe Hospital Doctors Association, vanonzi vakapedzisira kuonekwa neMugovera vasati vapambwa kubva pamba pavo kuBudiriro muHarare.
Vana Chiremba varatidzira vachifamba kubva pachipatara cheParirenyatwa kusvika pedyo nemahofisi emutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa uko vamiriri vavo vazonosvitsa tsamba yenyunyuto mushure mekunge mapurisa arambidza mhomho yese yaana chiremba kuti isvike kumahofisi emutungamiriri wenyika.
Vachitaura neStudio 7, mumwe chiremba anove nyanzvi muzvirwere zvevana, Doctor Bothwell Mbuvayesango, vanotsidza kuti hapana munhu wavari kuzorapa kana Doctor Magombeyi vasina kuwanikwa. Doctor Mbuvayesango vanoti izvi ndizvo zviri mutsamba yenyunyuto yanosiiwa kumahofisi emutungamiriri wenyika.
Doctor Mbuvayesango vanotiwo zvinokatyamadza kuti munhu angatorwa zvinechisimba nekuda kwekungotaura kuti mari iri kutambirwa nanachiremba haisi kukwana.
Mumwe zvekare chiremba mukuru, Doctor Felicity Gumbo vanoti vanga vari pakuratidzira apa senzira yekuratidza hurumende kuti vanachiremba vakuru vari kutsigira vanachiremba vadiki mune zvavari kunyunyuta nazvo, kusanganisira kutsakatika kwaDoctor Magombeyi pamwe nemari shoma dziri kutambirwa navanachiremba.
Imwe nhengo zvakare yesangano reZimbabwe Hospital Doctors Association, Doctor Tapiwa Mungofa, avo vanoshanda paHarare Central Hospital apo paishandawo Dr Magombeyi, vanoti vasiya tsamba yenyunyuto kumahofisi emutungamiriri wenyika uye vachange vachizoendesa tsamba yenyunyuto iyi kune mamwe mapazi ehurumende. Vanotiwo kana Doctor Magombeyi vasina kuwanikwa hapana basa richabatwa navanachiremba.
Doctor Norman Matara veZimbabwe Association of Doctors for Human Rights vakurudzira hurumende yaVaMnangagwa kuti izadzikise zvainotaura zvekuti inoremekedza kodzero dzevanhu. Vanoti hurumende ikasakurumidza kugadzirisa nyaya yekutsakatika kwaDoctor Magombeyi zvichaunza kusagadzikana munyika.
Muzinda weAmerica muZimbabwe vazivisawo padandemutande reTwitter kuti kubva muna Ndira wegore rino vanhu vanosvika makumi mashanu vatorwa zvechisimba kubva mudzimba dzavo, uye hapana ati ambosungwa nenyaya idzi. Muzinda uyu wakakurudzira hurumende kuti itore matanho nekukasika.
Gurukota rezvehutano Doctor Obadiah Moyo nezuro vakati bazi ravo riri kushungurudzikawo nekushaikwa kwemumwe mushandi waro uye vari kuita zvese zvavanogona kuti Doctor Magombeyi vawanikwe.
Mugwaro rakabudiswawo nemapurisa, mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vakatiwo kushaikwa kwaDoctor Magombeyi kwakamhangarwa kumapurisa ekuBudiriro.
Facebook Forum