Accessibility links

Breaking News

Mamwe Masangano Oronga Kukwirira Mapurisa kuMatare


Mapurisa anonzi ari kutyora kodzero dzevanhu vanenge vachiratidzira zviri pamutemo
Mapurisa anonzi ari kutyora kodzero dzevanhu vanenge vachiratidzira zviri pamutemo

Mamwe masangano anorwira kodzero dzevanhu muZimbabwe anoti ave kuronga kukwirira mapurisa kumatare edzimhosva mushure mekushungurudzwa kwenhengo dzawo nemapurisa neMugovera dzichi cherechedza zuva rerudo reValentine’s Day.

Masangano aya ari kushorawo zvikuru danho remapurisa rekuparadza kufora kwaakanga aronga uku achishandisa chisimba pamwe nekurova vamwe vanhu zvakaipisisa.

Nhengo dzemasangano matatu anoti reZimbabwe Activists Alliance, Restoration of Human Rights (ROHR) ne Youth Advocacy for Reform and Democracy (YARD), dzinoti dzakafora dzichida kuratidza rudo rwadzo kunyika yeZimbabwe pasi pedingindira rinoti “I Love My Zimbabwe” uye dzinoti dzaida kunoisa maruva ekucherechedza zuva reValentine paparamende.

Nhengo idzi dzinonzi dzakafora dzichibva mumugwagwa waSpeke Avenue dzichidzika naJason Moyo Avenue, dzichizopinda muna Nelson Mandela kuti dzizoguma dzave paparamende.

Mutungamiri weZimbabwe Activists Alliance, Muzvare Tendai Lynette Mudehwe, vanoti ivo nevamwe vanoti VaMoses Mutyasira veROHR naVaLennon Manyengavana veYARD, vakarohwa zvakaipisisa zvakazoita kuti varapwe kuchipatara cheAvenues Clinic.

"Taudza magweta edu eLawyers for Human Rights kuti atange hurongwa hwekuti titore matanho nekuti mapurisa anyanya kutishungurudza," Muzvare Mudehwe vanodaro.

Muzvare Mudehwe vanoshora zvikuru danho remapurisa iri vachiti vanoshamisika zvikuru kuti mapurisa anovarambidza kuratidzira iro bumbiro remitemo richivapa mukana wekuita izvi.

Studio 7 haina kukwanisa kubata mapurisa kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG