Sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe PTUZ, rinoti rakwira kudare rezvebasa nevashandi (Labour Court) richipikisa danho rehurumende rekushevedza varairidzi vari pazororo kuti vadzoke kumabasa kuitira kuti vakwanise kuverengwa kechipiri.
Munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond Majongwe vanoti vatora danho iri sezvo hurumende ichangobva mukuverenga zvakare varairidzi, izvo zvoita kuti vafunge kuti pane zvimwe zvakahwanda zvavasiri kuratidzwa nehurumende.
VaMajongwe vanoti sangano ravo rakamboendesa zvakare nyaya yakadai kumatare mugore ra 2012 dare rakawana hurumende iine mhosva.
“Takave nenyaya yakafanana naiyoyi, yeKoronya and Mashonga vs State, saka uku kwave kudzokorora zvakare, zvinove zvinhu zvatinoti kwete kwazviri,” Vanodaro VaMajongwe.
VaMajongwe vanotiwo sesangano vanoshushikana nemashoko anonzi akataurwa negurukota rezvemabasa nevashandi, Amai Priscah Mupfumira ekuti mari dzemabhonasi hachisi chipikirwa chekuti mushandi anotofanirwa chete kuiwana.
VaMajongwe vanoti kutaura kwakadai kunopokana nemashoko emutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ekuti hurumende ichapa vashandi vayo mabhonasi.