Zvikoro zvavhurwa munyika paine mashoko ekuti hutungamiri hwezvimwe zvikoro hwanga hwuchidzosera kudzimba vana vasina kubhadhara mari dzechikoro kana dzeruvako.
Izvi zvinoitika panguva iyo mari dzeruvako itsva dzakatarwa nehurumende dzatangawo kushanda kubva patanga kotoro itsva yegore rino.
Bazi rezvedzidzo rakazivisa kuti kutanga temu ino, mwana wega wega ari kupuraimari anosungirwa kubhadhara madhora maviri semari yeruvako, kuchitiwo ari kusekondari achitarisirwa kubhadhara madhora mashanu pakotoro.
Hurumende inoti yakatora danho iri senzira yekuunganidza mari yekuvaka zvimwe zvikoro pamwe nekugadziridza zviripo.
Mukuru werimwe sangano revarairidzi, reTeachers’ Union of Zimbabwe, VaManuel Nyawo, vanoti ivo sesangano havatambiri danho rekuti vana vadzoserwe kudzimba nepamusana pekusabhadhara mari idzi.
VaNyawo vanoti bumbiro remitemo rinoti hapana mwana anofanirwa kudzingirwa mari dzechikoro.
“Tichaona kuti tatsvaga tsananguro kugurukota rezvedzidzo, VaLazarus Dokora, nekuti sevarairidzi hatinawo kuudzwa pamusoro pemari itsva idzi kuti mubereki upi anobhadhara,” VaNyawo vanodaro.
Ukuwo sangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe rinoti rakabuda nechisungo chekuti varairidzi vachange vari muzvikoro, asi vasingaite basa nemwoyo wese, kana kuti vachiita zvavo basa zvishoma nezvishoma.
Studio7 haina kukwanisa kubata vakuru vesangano iri kuti tinzwe kuti kushanda pashoma nepashoma kwavakaronga kwabudirira here kana kuti kwete.
Studio 7 yakundikanawo kubata gurukota rezvedzidzo, VaLazarus Dokora, kuti tinzwe pamire bazi ravo panyaya iyi.