Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chipiri Ndira 19, 2016


Shona
Shona

Vanhu vakashungurudzwa nekutochwa nekuda kwezvematongerwo enyika vanoti vanoda kuti Bhiri rekuregererana nekupodza maronda riite kuti vapiwe muripo.

Vagari vemuGweru vanoti hurumende inofanira kugadzirisa nyaya yekumisa makanzura emuguta iri mabasa sezvo zvinhu zvoramba zvichienda kumawere.

Zvichakadaro kanzuru yeHarare inoti vekudzimba dzevashoma vakavaka zvisina mvumo yekanzuru vanofanira kugadzirisa zvivakwa zvavo zvisati zvaputswa.

United Nations World Tourism inoti Zimbabwe iri pakati penyika penyika dzakakwanisa kuvandudza mitemo yemavhiza inobvumidza vanhu kushanya munyika zviri nyore.

Muchirongwa cheLivetalk- The Youth Connection na 8:30 pm tiri kutarisa maonero evechidiki nezvematongerwo enyika gore rino ra 2016.

Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...Munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 12080, ne 15460 Kilohertzs pa Shortwave kana paFacebook page yedu yeVOA Shona.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG