WASHINGTON D.C. —
Mapurisa anonzi anzi agare akagadzirira sezvo nhengo dzeZanu-PF dziri kutyirwa kuti dzicharwisana mangwana.
Mhuri yaVaItai Dzamara yoita munamato wekurangarira mwedzi gumi nemumwe vapambwa.
Hurumende yoparura chirongwa chekurisa ghuori asi vanopikisa vachiti hapana chinobuda.
Vanhu muAmerica vovhota musarudzo dzekuNew Hampshire kutsvaga achamirira mapato eDemocratic neRepublican musarudzo dzekupera kwegore dzemutungamiri wenyika.
Muchirongwa cheLivetalk- The Youth Connection na 8:30 pm tiri kutarisa kutsakatika kwaVaItai Dzamara
Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 12080, ne 15460 Kilohertzs pa Shortwave kana paFacebook page yedu yeVOA Shona.