Vamwe vakuru vemauto vanonzi vane chekuita nevanhu vaida kubhomba kukambani yemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe uye veEconet neNetOne vanzi vaburitse magwaro ekuchairana runhare achafumura vanhu ava.
Mutungamiri weZAPU VaDumiso Dabengwa vanoti VaMugabe vane munhu wavakadoma kare kutora chigaro chavo asi zvinogona kukonzera kusagadzikana munyika
Tongaat Hullet yomisa vashandi zviuru zvina nemazana matatu vakamboratidzira gore rapera.
Ongororo yakaitwa neUniversity of Zimbabwe yakabatana neUniversity oof California yekurwisa kupararira kwechirwere cheHIV/AIDS yobudirira
Muchirongwa cheLivetalk- The Youth Connection na 8:30 pm tiri kutarisa maonero evechidiki munyika nemamiriro akaita zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika.
Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 13860, ne 15460 Kilohertzs pa Shortwave kana paFacebook page yedu yeVOA Shona.