Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro, Gunyana 19, 2016


Nhau dzeShona
Nhau dzeShona

Bato reMDC-T rinoti richaendesa kumatare mapurisa, mauto nevatsigiri veZanu-PF vanonzi vari kuita kafiramberi nhengo dzebato ravo dzinennge dzichiratidzira murunyararo.

Vanhu vakawanda vakasungwa neMugovera vomiswa pamberi pematare nhasi.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvoratidzira muNew York apo mutungamiri wenyika votarisirwa kutaura neChitatu.

Asi veZanu-PF vanoti zvekuda kuti United Nations ipindire hazvina nematuro ose.

Zvipatara zvikuru zvehurumende zvinonzi zvave kumbomisa kuvhiya vanhu nenyaya yekusha mishonga.

Tichakupai nhau dzemitambo yenhabvu yemukombe weChibuku Super Cup.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8.00 nhasi tiri kutarisa nyaya yekushaikwa kwemishonga kuzvipatara zvopa kuti vanhu vakawanda vagaiswe kumba asi vachirwara.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 6065, ne 15460 kilohertzs.

Misoro yeNhau, Muvhuro Gunyana 19, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG