Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Voshora Makurukota Akadomwa naVaMnangagwa


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa

Veruzhinji munyika vashora mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nekudoma vari muchiuto pamwe nevanhu vagara vari muhurumende yevaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, kuti vapinde mudare remakurukota ehurumende, vachiti hapasisina tarisiro yekuti zvinhu zvichanaka munyika.

Vataura neStudio 7 muHarare vanoti havasi kufara nekudomwa kwakaitwa makurukota ehurumende naVaMnangagwa nemusi weChina, vachiti vazhinji vevanhu ava vanhu vaiva muhurumende yaVaMugabe iyo yavari kupomera mhosva yekuondomora hupfumi hwenyika.

Mumwe wevanhu ava ndiVaJeffrey Chaitezvi avo vanoti zvave pachena kuti VaMnangagwa vari pasi pemauto.

Izvi zvatsinhirwa naVaFrancis Machimbidzofa avo vanoti vanoona sekuti VaMugabe vaitova nani pamatongero avo pana VaMnangagwa.

VaCrispen Garatsa vanoti kudomwa kwaitwa Major General Sibusiso Moyo segurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika kunoburitsa pachena kuti zvakaitwa nemasoja pakubviswa kwaVaMugabe kwaitova kutora masimba nechisimba kana kuti coup de tat.

VaMoyo, avo vaibuda pachivhiti vachizivisa zvaiitwa nemasoja pakutorerwa masimba kwakaitwa VaMugabe mazuva apfuura, ndivo vakambotungamira mauto eUnited Nations kuSomalia uye vari zvakare murume wemutongi wedare repamusoro Amai Loice Matanda Moyo.

Muzvare Rutendo Kandengwa vanotiwo havasi kufara nekushomeka kwemadzimai mudare remakurukota iri.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaSydney Chisi avo vaimboshanda nesangano reYouth Initiative for Democracy in Zimbabwe, avo vave kushanda vakazvimirira, vanoti chave kutodikanwa ndechekuti veruzhinji vashandise sarudzo dzegore rinouya kudzosera masimba kuvanhu vachiti nyika yave muhutongi hwevari muchiuto.

Zvichakadai, mashoko atiri kutambira anoti VaMnangagwa vachazivisa munguva pfupi iri kutevera kuti vachange vari vatevedzeri vavo ndivanaani. Vane ruzivo nezviri kuitika mukuumbwa kwehurumende vanoti mukuru wemauto VaConstantino Chiwenga naVaTshinga Dube ndivo vakatarisirwa kudomwa naVaMnangagwa sevatevedzeri vavo.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Tiripanyaya imwe chete iyi, vanoongorora zvematongerwo enyika vachidzidzisa pa Tswane University of Technology mu South Africa, Doctor Ricky Mukonza, vanoti makurukota akasarudzwa nava Mnangagwa haapi vanhu tarisiro yekuti zvinhu zvichashanduka.

Vanotizve mapato anopikisa anofanira kutsvaka mutungamiri wechidiki kuti vachishanda nesimba kuti Zimbabwe iponeswe.

Hurukuro NaVa Ricky Mukonza
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG