Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vaita musangano nemamwe mapato ezvematoongerwo enyika wekutsvaga nzira dzekuti nhaurirano dzekugadzirisa nyika dzingafambesei.
Vachivhura musangano uyu waitirwa kuState House, VaMnangagwa vati nhaurirano dzisati dzaitwa mapato ese akapinda musarudzo dzegore rapfuura anofanira kutambira zvakabuda musarudzo idzi pamwe nemutongo wakaitwa neConstitutional Court zvichitevera gakava rakamuka musarudzo idzi.
VaMnangagwa vatiwo vanhu vemuZimbabwe vanofanira kuisa musoro pamwe voshanda mukunatsurudza hukama hweZimbabwe nedzimwe nyika.
Vatiwo vanhu vese vemuZimbabwe zvisinei kuti ndevebato ripi, vanofanira kutaura nezwi rimwe pamusoro penyika yavo uye kuti zvirango zvehupfumi zvakatemerwa nyika, zvibviswe.
Vatiwo zviri pachena kuti nyika haigoni kufambira mberi vanhu vachiyaura nenhamo uye zvakakosha kuti vanhu vashande pamwe mukusimudzira mabasa ehupfumi kuitira kuti nyika ive neremangwana rakajeka.
Vaenderera mberi vachiti pane mitemo inofanira kusandurwa uyewo zvakakosha kuti bumbiro remitemo yenyika ritevedzwe.
VaMnangagwa vati kana izvi zvikaitwa, havawoni chingatadzise nyika kuti ibudirire.
VaMnangagwa vati vawona zvakakosha kutanga nhaurirano idzi nekuti zvakakosha kuti vanhu vemapato ese, vedzisvondo, masangano anoshanda kazvimirira nevanhuwo zvavo vane mazano anokwanissa kuti nyika ienderere mberi.
Kunyange hazvo VaMnangagwa vange vakoka vese vakakwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika, Studio 7 yawona vanhu gumi nevaviriri chete.
Vamwe vakaita semutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, naAmai Joice Mujuru, havana kupinda mumusangano uyu vachida kuti nhaurirano idzi dzikokerwe nemunhu asina kupinda musarudzo uye asina divi raakarekera.
VaMnangagwa vati vane muonero mumwe chetewo uye vakatembenge vadoma mukuru weimwe svondo kuti atungamire nhaurirano idzi asi vakazosiyana nepfungwa iyi mushure mekunge mukuru uyu atangawo kuita zvematongerwo enyika.
Vamwe vapinda mumusangano wanhasi vanosanganisira, VaNkosana Moyo, VaLovemore Madhuku veNational Consituutional Assembly, Muzvare Thokozani Khupe VaMDC T, VaDaniel Shumba veUnited Democratic Movement, Brigadier Amrose Mutinhiri veNational Patriotic Front, VaNoah Manyika veBuild Zimbabwe, VaBrian Mteki naVaElton Mangoma.
Facebook Forum