Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vopa Vakarwa Hondo Masimba eKutsvagira Zanu PF Rutsigiro Kuitira Kuti Ikunde Muna 2023


President Emmerson Mnangagwa
President Emmerson Mnangagwa

Mutungamiri weZanu PF uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vakurudzira vakarwa muhondo yerusununguko kuti vachitanga kutsvagira bato ravo rutsigiro izvo zvashorwa nebato reMDC Alliance iro rinoti VaMnangagwa vari kudyara mhodzi yemhirizhonga pamberi pesarudzo dzemuna 2023.

Vachitaura pamusangano wekomiti yepamusoro-soro yebato ravo yeCentral Committee waitwa pamuzinda weZanu PF nhasi, VaMnangagwa vakurudzira mapoka emadzimai nevechidiki mubato ravo kuti vashande zvakasimba vachitsvagira bato ravo rutsigiro pamberi pesarudzo dzemuna 2023.

VaMnangagwa vatorawo mukana uyu kukurudzira vakarwa muhondo yerusununguko rwenyika kuti vaite zvavaiita munguva yehondo vachitsvagira bato ravo rutsigiro pamberi pesarudzo idzi.

Asi mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatshwayo, vati mashoko aVaMnangagwa anokurudzira kuti sarudzo dzemuna 2023 dzive sarudzo dzine mhirizhonga pakatariswa mhirizhonga yakamboitika musarudzo dzeshure munguva yehutongi hwemuchakabvu VaRobert Mugabe.

VaMnangagwa vakurudzirawo kubatana mubato ravo zvichitevera sarudzo dzemaDistrict Coordinating Committees dzakaitwa munguva pfupi yapfuura vachiti vakawana zvigaro mumakomiti aya havafanire kushandisa zvigaro izvi kuti vagowana mukana wekukwikwidza kuve nhengo dzeparamende asi kuti vashande zvakasimba kuzadzisa zvakavimbiswa veruzhinji nebato ravo pamberi pesarudzo dzemuna 2018.

VaMnangagwa vatorawo mukana uyu kukurudzira nhengo dzemapato anopikisa kuti dziuye kubato ravo vachiti vari kufara zvikuru kuti dzimwe nhengo dzemapato anopikisa dzakatouya kubato ravo.

VaHlatshwayo vati mashoko aVaMnangagwa aya anoratidza kuti havachaziva chokubata.

Zvichakadai, VaMnangagwa vati vari kufara zvikuru kuti vari kushanda nemamwe mapato ezvematongerwo enyika mukurwisana nedenda reCovid 19 iro rauraya vanhu vakawanda pasi rose kusanganisira muZimbabwe.

Asi vati vari kushamisika zvikuru nevakuru vemamwe mapato vavasina kudoma nemazita vavati vari kunobaiwa nhomba dzeCovid 19 kumizinda yenyika dzekumavirira vakakurudzira veruzhinji kuti vasavarairwe nekuderera kuri kuita vanhu vari kufa nechirwere ichi pari zvino vachiti veruzhinji vanofanira kutevedzera nzira dzose dzakatarwa nehurumende pamwe neWorld Health Organization kuti chirwere cheCovid 19 chisarambe chichipararira.

Kusvika mukupera kwezuva nezuro, chirwere ichi chainzi chabata vanhu zviuru makumi matatu nezvitanhatu nemazana masere nevashanu, 36 805, uye vanhu vafa nacho muZimbabwe vari chiuru nemazana mashanu negumi nevasere, 1 508.

Vanhu vabayiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 munyika yose vava zviuru makumi matanhatu nechimwe nemakumi mapfumbamwe nevatatu, 61 093.

Zimbabwe inoti ine hurongwa hwekubaya nhomba yeCovid-19 vanhu vanosvika mamiriyoni gumi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG