Accessibility links

Breaking News

Vamwe Mubato reMDC-T Vanoda Kuziva Zvakaitika paMari Inonzi Yakatsakatika.


VaDouglas Mwonzora.
VaDouglas Mwonzora.

Dzimwe nhengo dzebato reMDC-T inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora dzinoti dzanyora gwaro kudare reparamende, nekune mamwe mapazi ehurumende, pamwe chete nemapurisa vachiti nyaya yemari inoita mamiriyoni matanhatu emadhora ($6 million) inonzi yakatsakatika mubato iri inofanirwa kutaurwa nezvayo uye vanhu vane mari iyi vaidzore uye vasungwe.

VaPatson Murimoga, avo vanoti vari kuita izvi nevamwe vavo vavasina kudoma, vanoti nyaya iyi inofanirwa kuongororwa uye hurumende inofanirwa kutora nyaya iyi nehuremu hwaiinaho.

Vanoti kana pasina chaitwa nenyaya iyi, ivo nevamwe vavo vachaenda nenyaya iyi kumutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vanoti vanoratidza kutonga nyaya dzehuori vasina kwavakarerekera.

Tabata VaMurimoga kuti tinzwe nezvenyaya iyi uye kuti tinzwisise zvavari kuita pamusoro payo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Tatadza kubata VaMwonzora asi tabata mutauriri wavo, VaLloyd Damba, vakati izvi zvinobva kuvanhu vasina chimiro chekutaura pamusoro penyaya dzakadai.

Vati mari dzose dzinoshandiswa nebato ravo dzinoburitswa mushure mekuongororwa nekupiwa mvumo nevanhu vazhinji mubato zvinotadzisa kuti mari ishandiswe neimwe nzira isina kubvumirwa.

Vati kuti mari ibudiswe, pane vazhinji vanofanira kuisa ruoko rwavo pakupa mvumo.

VaDamba vati vakaudza vanhu ava kuti vauye kuzotarisa vega mabhuku emari yebato iri asi havasi kuuya, vachienda kumapurisa nekuZimbabwe Anti-Corruption Commission kuti vasvibise zita rebato nevatungamiri varo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG