Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau Votaura Nhuna Dzavo Pamberi pePress Freedom Day


Press freedom day hre5
Press freedom day hre5

Mutori wenhau ane mukurumbira, Chris Chinaka, anoti kunyange hazvo hurumende ichimbunyikidza vatori venhau, vanoshandirwa nevatori venhau havabatiwo vatori vatori venhau zvakanaka.

Apo Zimbabwe iri kugadzirira kubatana nepasi rose mukucherechedza basa rakakosha rinoitwa nevatori venhau pamwe nevamwe vavo vakaurayiwa vari pabasa, vatapi venhau munyika vanoti havasi kufara nemihoro yavanotambira, mashandiro avo pamwe nemabatirwe avanoitwa nehurumende.

Vatori venhau vakawanda vataura neStudio7 vanoti mari dzavanotambira ishoma chose kana zvichienzaniswa nedzimwe nyika uye havana zvekushandisa zvakakwana.

Vanotiwo munyika muchine mutemo inombunyikidza vatapi venhau.

Mutori wenhau ane mukurumbira, Chris Chinaka, anoti kunyange hazvo hurumende ichimbunyikidza vatori venhau, vanoshandirwa nevatori venhau havabatiwo vatori vatori venhau zvakanaka.

Chinaka atiwo zuva reWorld Press Freedom Day rakakosha chose uye izuva rekuti vanhu vese varemekedze vatapi venhau.

Chinaka, uyo akashandira Reuters kwemakore akawanda, atiwo zvakakoshawo kuti vatapi venhau vawedzere ruzivo kuti vakwanise kuita basa ravo zvine hunyanzvi.

Muzvinabhinisi munyaya dzemapepanhau, VaBasildon Peta, avo vakabuda munyika makore akawanda apfuura vakanotanga mapepa nhau kuSouth Africa neLesotho, vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika panyaya dzekutapwa kwenhau.

Vanotiwo hurumende iri kuramba yakasunga masaisai nemarhediyo nemateverevhizheni uye vacho vakapihwa marezenisi inhengo kana kuti vanotsigira bato riri kutonga reZanu PF.

Vaenderera mberi vachiti vakazvipira kuzoshandira munyika zvakare kana zvinhu zvichinge zvanaka.

VaPeta vayemura vatapi venhau vari muZimbabwe vachiti vari kuita basa guru munguva iyo zvinhu zvakaoma munyika.

VaGarikai Chaunza veCommunity Radio Harare vati vachashandisa zuva reWorld Press Freedom Day kukurudzira hurumende kuti isarambe yakasunga masaisai zvikuru sei enhepfenyuro dzemumatunhu.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekuburitswa kwemashoko, VaWilliam Dhewa, vati World Press Freedom Day yakakosha chose uye izuva rakakosha chose kuvatapi venhau.

Vanoona nezvekushambadzwa kwemabasa musangano reMedia Institute of Southern African –Zimbabwe, Tabani Moyo, vanoti pachine mitemo yakawanda chose inosunga mashandiro evatapi venhau.

Vati musi wezuva ravo, vatapi venhau vanofanira kuramba vachikomekedza hurumende kuti ibvise mitemo iyi.

Vanotiwo zvakakosha kuti vatapi venhau vabatwe zvakanaka.

Zuva reWorld Press Freedom Day rinocherechedzwa pasi rose musi wa3 Chivabvu senzira yekurangarira basa rakakosha rinoitwa nevatori venhau pasi rose, vatori venhau vakafa, vari pamabasa pamwe nekurudzira dzihurumende kuti dzisavambunyikidze.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG