Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Zimbabwe Yakavandudza Kare Mitemo yeSarudzo


President Emmerson Mnangagwa addressing senior members of Zimbabwe ruling Zanu PF party on Oct. 29, 2021 in Bindura about 80km north of Harare (Columbus Mavhunga/VOA)
President Emmerson Mnangagwa addressing senior members of Zimbabwe ruling Zanu PF party on Oct. 29, 2021 in Bindura about 80km north of Harare (Columbus Mavhunga/VOA)

Mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vaudza Politburo yebato ravo kuti kuvandudzwa kwemitemo yesarudzo kuri kukurudzirwa hakuna maturo vachiti Zimbabwe yakaisa mubumbiro remitemo zvese zvinodiwa neSADC panyaya yesarudzo.

Vachivhura musangano wePolitiburo, VaMnangagwa vati vanhu vari kuda shanduko panyaya dzesarudzo nehupfumi havasi kubuda pachena kuti shanduko yavanoda ndeipi.

Vati Zimbabwe yaisa zvese zvinodiwa neSADC pasarudzo kana kuti SADC Electoral Guidelines mubumbiro rayo iro vati rimwe remabumbiro akanaka chose mudunhu rese.

VaMnangagwa vati kune avo vari kushora hurumende nekusaita sarudzo dzemaBy-Election, vanofanira kuziva kuti Zimbabwe yakasiyana nedzimwe nyika dzisina kutemerwa zvirango zvehupfumi nekudaro yakamira kuita sarudzo senzira yekuchengetedza vanhu kubva kudenda reCovid-19.

Asi vati sarudzo idzi dzave kuzoitwa muna Kurume gore rinouya uye vakurudzira nhengo dzebato ravo kuti dzishande zvakasimba kuitira kuti Zanu PF ikunde musarudzo dzegore rinouya nedza2023.

Mapato anopikisa pamwe nemasangano anoshanda akazvimirira anoti mutemo wesarudzo unofanira kuvandudzwa kuitira kuti nyika ikwanise kuita sarudzo dzakachena.

Mutungamiriri werimwe remapato anopikisa reNational Consititutional Assembly, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vaudza Studio 7 kuti manyepo ari kutaurwa naVaMnangagwa ekuti vari kuda shanduko pamutemo wesarudzo havasi kubuda pachena kuti vanoda shanduko ipi.

VaMadhuku vati nyaya iyi iri kutotaurwa nezvayo kuPolitical Actors Dialogue uko bato raVaMnangagwa riri nhengo.

Vati imwe shanduko inodiwa ndeyekuti mutungamiriri wenyika asave iye ega anodoma nhengo dzekomisheni inoona nezvesarudzo.

Mutauriri weMDC-T, VaWitness Dube, vatsinhirawo mashoko aVaMadhuku vachiti bato ravo rakatonyorera VaMnangagwa richavaudza nezveshanduko iri kudiwa.

Vanoti zvakawanda zvinoda kuchinjwa kuti sarudzo dziitwe zvakajeka zvakaita sekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvivhote.

Mutevedzeri wemutauriri webato guru runopkisa reMDC Alliance, VaGift Ostallos Siziba, vaudza Studio 7 kuti VaMnangagwa vanozviziva kuti panodiwa shanduko pamutemo wesarudzo asi kuti havadi kuzvitambira nekuti vanozviziva kuti havahwine sarudzo kana mutemo uyu ukasandurwa.

VaSiziba vati panodiwa kusandurwa zvakawanda zvakaita semaitiro emauto anopindira munyaya dzesarudzo.

Vati Zimbabwe iri kusangana nematambudziko akawanda pari zvino nenyaya yekuti haina kuita sarudzo dzakajeka muna 2018

VaMnagangwa vakurudzirawo vese vasina kubaiwa nhomba kuti vabaiwe nhomba yekudzivirira Covid-19 vachiti nyika ine nhomba dzinokwanira vese vanoda kubayiwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG