Accessibility links

Breaking News

Mamwe Madzimai Anoita Zvirwere zve Pfungwa Mushure Mekusununguka


Dzimwe nyanzvi mune zvehutano dzinoti zvakaitwa nemumwe mudzimai kuChivhu nemusi weChitatu zvinogona kuitika kuvanhu vazhinji nekuti vanhukadzi havawani rubatsiro rwakakwana mudzimba.

Mapurisa anoti mumwe mudzimai weku Chivhu, Amai Emelda Marazani, vakazvipira kumapurisa mushure mekuuraya vana vavo vana nekupisa imba yavaigara.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vakaudza vatori venhau neChitatu kuti Amai Marazani vakavharira mumba vana vavo vana, vane makore ari pakati pemapfumbamwe negore rimwe chete, vakavacheka pahuro nebanga ndokutungidza imba yavo.

Nyanzvi munyaya dzezvirwere zvepfungwa, kana kuti ‘psychotherapist’, Dr Sithembile Mahlatini, avo vanonyanya kuzivikanwa nezita rekuti ‘Dr Stem’, vaudza Studio 7 kuti mamwe madzimai anoremerwa nepfungwa mushure mekusununguka.

Dr Stem vanokurudzira kuti munhu asununguka mwana apiwe rubatsiro rwakawanda pamba sezvo achifanirwa kuzorodza pfungwa dzake panguva iyo anenge achichengeta vana nekuona kuti zvinhu zvese zviri kufamba zvakanaka pamusha wake.

Dr Stem vanoti kuremerwa mupfungwa uku, kana kuti postpartum depression, kunofanirwa kutarisiswa sezvo kuchigona kukonzera chirwere chepfungwa chinozonetsa kurapa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG