Accessibility links

Breaking News

Vaimbove Vashandi veNRZ Voumba Sangano Rinovamiririra


Sangano iri, iro rinonzi Association of Railways Terminated Employees kana kuti ARTE, rine nhengo zana nemakumi matatu pari zvino.

Kusamira zvakanaka kwezvehupfumi munyika kuri kuita kuti makambani akawanda arambe achivhara mamwe achitatarika, izvowo zviri kupa kuti vashandi varambe vachirasikirwa nemabasa, vakawanda vavo vasina kana mari yavanowana apo vanopererwa nemabasa aya.

Nekuda kwekunge vasana nedambudziko rakadaro, vamwe vashandi vakasiiswa mabasa mukambani yehurumende yeNational Railways of Zimbabwe, NRZ, vakavamba sangano rine chinangwa chikuru chekuti varwire kodzero dzavo dzekuwana mugove wavo wakakwana.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:09:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Kambani yehurumende yeNRZ ndeimwe yemakambani akawanda munyika akasiisa vashandi basa mushure memutongo wakapiwa gore rakapera nedare repamusoro-soro reSupreme Court, wekuti makambani ane kodzero yekusiisa vashandi basa kana apa chiziviso chekuita izvi kuvashandi.

Mushure memutongo uyu, NRZ yakasiisa basa vashandi vanopfuura mazana mana nemakumi mashanu, ichiti chikonzero chikuru chekuita izvi chaive chekuti yaive iine vashandi vakawandisa, uye yainge isisakwanise kubhadhara vashandi ava.

Muna Gumiguru wegore rapera rakare, vamwe vevashandi ava vakavamba sangano rinobatanidza vashandi vaive vasiiswa basa ava.

Sangano iri, iro rinonzi Association of Railways Terminated Employees kana kuti ARTE, rine nhengo zana nemakumi matatu pari zvino.

VaInnocent Mupanganyama, vanove mukuru mukuru wezvirongwa musangano iri, vanoti nekuona kuti vashandi vaive vadzingwa basa vakawanda vaisangana nezvimhingamupinyi zvizhinji, kusanganisira kusawana mari dzavaifanirwa kuwana panguva yakafanira, vakaona zvakakosha kuti vaite sangano iri vagokwanisa kutaura nezwi rimwe chete.

VaMupanganyama vanotiwo chimwe chinangwa chesangano ravo ndechekubatsira vakasiiswa mabasa kuti vavambe hupenyu hutsva.

Kunetsana pakati peNRZ nevaimbove vashandi vekambani iyi panyaya yekupiwa mibhadharo yavo, kwave nekanguva kuchitaurwa munhau, uye vashandi ava vanochimboita zvekuratidzira pamahofisi ekambani iyi.

Muzvare Linda Musarira avo vanove sachigaro weARTE, vanotsinhira kuti nyaya yekuti vashandi vakasiiswa basa vawane mugove wavo, inyaya iri kunetsa zvikuru.

Asi Muzvare Musaritra vanoti mari yavanofanirwa kuwana kubva kuNRZ imari yavakashandira zviri pamutemo, uye vane chokwadi chekuti mushandi wega wega anofanirwa kuwana mari iyi, achaiwana sezvinofanirwa kuitwa.

Muzvare Mavis Mukayi vaishanda saArtisan uye inhengo yehutungamiri hweARTE.

Muzvare Mukayi vanoti kunonoka kuri kuita kambani yeNRZ kubhadhara vanhu vayakasiisa basa mari, kuri kuita kuti vanhu ava vasangane nematambudziko akasiyana-siyana, kusangansisira kutadza kuendesa vana kuzvikoro, kana kutadza kuriritira mhuri dzavo zvakafanira, pamwe nekuparara kwemichato.

Muzvare Musarira vanotsinhirawo nyaya yematambudziko akatarisana nevamwe veavo vakadzingwa basa neNRZ vachiti hupenyu hwevamwe vane zvirwere zvakadai seDiabetes, neHypertension nevamwe vari kurarama nehutachiwana hweHIV hwave panjodzi, nekuti havachakwanisa kurapwa nemedical aid yekambani iyi, zvisinei kuti vaibatirwa mari dzainzi ndedze medical aid iyi.

Muzvare Musarira vanotiwo kune vamwe vavo vasina kukwanisa kutambira kusiiswa mabasa kwavakaita uye sangano ravo riri kustvaga kushanda nevamwe vemasangano anoshanda akazvimirira ega kuti vakwanise kuwanira vamwe vavo rubatsiro rwecounselling.

VaMusa Kapena ndeimwezve nhengo yeARTE. VaKapena vanoti nyaya yekuti kambani yeNRZ haina mari yekupa vashandi vayakadzinga basa haina maturo vachiti pavakadzingwa basa, kambani iyi yakapinza vamwe vashandi mabasa zvisinei kuti chimwe chezvikonzero chavakadzingirwa chaive chekuti vashandi vaive vakawandisa. Kambani yeNRZ ine vashandi vanosika zviuru zvishanu nemazana mashanu.

VaKapena vanotiwo kunyange hazvo vachiti havana mari, vakuru vakuru veNRZ vanozvipa mari yemuhoro wavo mwedzi wega wega.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kumutauriri weNRZ, VaFanuel Masikati, kana vakafanobata chigaro chemukuru mukuru wekambani iyi, VaLewis Mukwada.

Munguva pfupi yapfuura gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaJoram Gumbo, vakaramba kuti NRZ iri kupinza vamwe vashandi basa vachiti kambani iyi haina mari.

Asi mukuru mukuru wezvemari muNRZ, VaFrank Bhule, vakabuda mune rimwe bepanhau vachibvuma kuti vakuru vakuru vekambani iyi vanowana zvikamu zviri pakati pemakumi manomwe nemakumi masere kubva muzana zvemihoro yavo mwedzi wega wega, zvisinei kuti kambani iyi inogarotadza kubhadhara nenguva vamwe vashandi vayo nevakadzingwa basa.

Muzvare Musarira vanoti sangano ravo rine zvimwe zvinobatika zvarakatokwanisa kubatsira nazvo vashandi vakadzingwa basa, kusanganisira kuti vasadzingwe mudzimba dzeNRZ vasati vapiwa mari dzavo dzose nekambani iyi.

Vesangano reARTE vanoti vashandi vakawanda vakadzingwa mabasa vari kubatwa senhapwa nemakambani avakamboshandira, vachinyimwa mari dzavakashandira.

Vanoti shuviro yavo ndeyekuti sangano ravo rikure rigokwanisa kubatsira vanhu vakadaro

XS
SM
MD
LG