Accessibility links

Breaking News

VaMangudya Vanoti Dhiziri nePeturu Zvizere Munyika


Dr John Mangudya
Dr John Mangudya

Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, Dr John Mangudya, vaudza komiti yeparamende inoona nezvemhando dzemoto kuti munyika mune mafuta emotokari akawanda uye vanhu vanofanira kuashandisa zvine mwero.

Vatiwo mitsetse iri pamagaraji mazhinji inokonzerwa nekuti vanhu vari kutenga vachityira kuti achashaikwa zvakare.

Vachipa humbowo pamusoro pemamiriro akaita zvinhu munyika panyaya dzepeturu nedhiziri nezvimwe, VaMangudya vati nyika yakatenga mafuta akawanda zvekuti vanhu havafaniri kutenga mafuta zvematyira sezvari kuitwa pari zvino.

Vati bhanga ravo rine zvirongwa zvekutenga mafuta kubva kumakambani akawanda uye pari zvino makambani emafuta ari kuendesa mafuta aya kumagaraji mazuva ose.

Semuenzaniso, vati kambani yeTrafigura inounza munyika mamiriyoni gumi nemana emarita emafuta ayo inoendesa kumakambani ePUMA, Redan, CMED, Trek ne Genesis pasvondo rega rega, panguva imwe cheteyo Total ichiunza mamiriyoni gumi, Engen ichiunzawo mamiriyoni manomwe kozotiwo IPG ichiunza mamiriyoni manomwe.

Vatiwo kune mamwe makambani akawanda anopinzawo mafuta munyika achiwana rubatsiro kubva kuRBZ.

VaMangudya vati kunyange hazvo nyika iine dambudziko rekushomeka kwemari yekunze, bhanga ravo riri kupa makambani anounza mafuta munyika mari inokwana kutenga mafuta anokwanira nyika yese.

Zimbabwe inoda zana nemakumi maviri emamiriyoni emadhora semari yekutenga mafuta mwedzi wega.

Vati mitsetse iri kuonekwa zuva nezuva pamagaraji inokonzerwa nekuti vanhu vari kutenga mafuta vachinochengeta nekutengesa pamukoto sezvo vachitya kuti anogona kuzoshaikwa.

Vatiwo huwandu hwemotokari hwakwirawo zvakanyanya zvekuti munyika mave nemotokari dzinosvika miriyoni nemazana masere.

Mukuru weZimbabwe Engery Regulatory Authority, VaEddington Mazambani, vaudzawo komiti iyi kuti pave kudiwa kutora matanho anopedza dambudziko remafuta aya.

Vati panodiwa kumutsiridza hurongwa kwekuti pashandiswe mabhazi nematireni kuitira kuderedza huwandu hwevanhu vanoshandisa motokari.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG