Zvechitendero
‘Mwari Haakonzeri Kana Kubvumidza Matambudziko Edu’ – Mufundisi Johannes Gumbo
Senior Pastor, Doctor Johannes Gumbo, veShephard House United Methodist Church, muDurham, North Carolina, vanoti mukuwoma nemukunaka kwezvinhu, Mwari anenge aripo.
Mufundisi Gumbo vanoti zvinhu zvirikuitika munyika mazuva ano zvinogona kukanganisa mafungiro evanhu uye zvinogona kuvabvisa mukuona hunako hwaMwari.
Mufundisi Gumbo vanoti kana vanhu vasvika pakuomerwa, vanogona kunetseka mupfungwa dzavo, vachizvibvunza kuti sei zvinhu zvakaoma kudaro zvichiitika kwavari.
Vanoti Mwari haasi iye anounza kwatiri zvinhu zvakaipa kana zvakatiomera, vachiti Mwari aripo nguva yese zvayo patinenge tichida rubatsiro rwake.
See all News Updates of the Day
'Kutambudzika Kwe Panyika Kunoda Kuti Tive Nehukama naMwari'
Umwe mutereri wechirongwa che Zvechitendero, kana kuti ‘Religious Forum”, anoti zvinomunetsa zvikuru kuti seyi vanhu vachitambura pasi pano asi ivo vachinamata nesimba uye nemwoyo yavo yese.
Mumhinduro netsananguro yavo, Mufundisi Oliver Mandisodza vanoti kana tasangana nematambudziko tinofanira kuzvininipisa pamberi paMwari, Vanopa mufananidzo waJob uyo asina kushora Mwari mukunetseka kwake kwose.
“Kana tasangana nematambudziko, tinofanirwa kuzvininipisa mberi kwa Mwari,” vanodaro Mufundisi Mandisodza.
- Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Zvizvarwa zveZimbabwe Zvotarisirwa Kusangana kuWest Virginia muAmerica kuMusangano we African Apostolic Faith Inotungamirwa naVa Mwazha
Mufundisi Moira Mugobogobo, vekereke yeAfrican Apostolic Faith inotungamirwa naBishop Mwazha, vanoti vachange vane musangano mukuru uchatanga Chishanu paPotomac Christian Center iri mudunhu reWest Virginia muno muAmerica, apo parikutarisirwa zvizvarwa zveZimbabwe zvinobva pasi rose.
Mufundisi Mugobogobo vanoti gungano iri richange richinamatira vana veZimbabwe mune zvese zvinovashungurudza uye vachange vachinamatirawo nyika iyo yakatarisana nesarudzo gore rino.
Vanoti gungano iri rinenge risineyi nezvematongerwo enyika asi rinenge richinatira vese vachange vari musarudzo, uye pachange pane mabhishopu anobva kune dzimwe nyika, vachitarisira kuti vachakwanisa kuenda vachakomborerwa.
"Tiri kutarisira kuti vana veZimbabwe vanobva kunzvimbo dzakawanda pasi rose vawane mukana wekunyengetera nekuwadzana vari pamwechete vachitungamirwa muminamato nevafundisi vazhinji vachinamata pamwechete," Mufundisi Magobogobo vaudza Studio7.
"Takatarisira kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvizhinji zvichabuda kubva musi weChishanu kusvika musi weSvondo kuti tibatane pamunamato wekunamatira zvatinosangana nazvo muhupenyu kure nenyika yechizvarwa," Mufundisi Mugobogobo vaenderera mberi.
Vanoti kereke yavo ichange ichibatsira vanenge vasina chekufambisa kuti vakwanise kusvika kuPotomac Christian Center, iri kuWest Virginia.
"Vanhu Vangaziva Seyi Kuti Mwari Arikutaura Navo?"
Svondo rino, Mufundisi Rebecca Makayi, vekereke yePraise Covenant International Church, vanotsanangura nzira dzinoshandiswa naMwari mukutaura nesu, vachitsananguravo nzira dzekuti umwe neumwe wedu azive panguva iyo Mwari anenge achitaura naye.
Fananidzo yeMbeu Yakanaka neMasawi Inorondedzerwa
Mufundisi Doctor David Simango vanorondedzera pamusoro pechidzidzo chakataurwa naJesu Kristu pamusoro pembeu yakanaka nemashawi, paaitaura pamusoro pehumambo hwekudenga sezviri mubhuku raMatthew, Chapter 13.
- Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Zvizvarwa zveZimbabwe Pasi Rose Zvokokwa kuMunamato Wekutanga Goredzva paZoom
Mufundisi Ever Mudambanuki vekereke yeMethodist vane munamato wavari kuita pamadandemuta unounganidza vatendi kubva kumakereke akasiyana siyana pasi rose kubva musi weSvondo Ndira 2 kusvika Ndira 9 gore rinouya.
Reverend Mudambanuki vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vatange goredzva vachirumbidza Mwari. Vanoti vachange vane zvidzidzo kubva kune vafundisi vakasiyana siyana padandemutande reZoom uye vari kutarisira kuti vanhu vazhinji vachapinda muhuromgwa hwavo uhu.
"Tiri kutarisira kuti zvizvarwa zveZimbabwe pasi rose zvichapinda muzvidzidzo izvi zvichange zvichiitwa pachena padandemutande reZoom. Zvakakosha kuti gore ritange vanhu vachirumbidza Mwari sezvo zvichizobatsira kupa hwaro rwemafambiro achaita gore idzva ra2022," Reverend Mudambanuki vaudza Studio7
Facebook Forum