Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inocherechedza Kusiya Basa kwaVaMugabe Makore Maviri Apfuura


Zimbabueanos celebram nas ruas à porta do parlamento após o anúncio da resignação de Robert Mugabe
Zimbabueanos celebram nas ruas à porta do parlamento após o anúncio da resignação de Robert Mugabe

Zuva ranhasi makore maviri apfuura, vaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vakanyora tsamba kudare reparamende vachizivisa kuti vainge vasiya basa.

Izvi zvakaitika apo dare reparamende rainge ratanga kuzeya nyaya yekuvabvisa pachigaro kana kuti Impeachment.

Mutauriri weparamende, VaJacob Mudenda, vakaverenga muparamende tsamba yekusiya basa kwaVaMugabe.

Mudare umu makaita mufaro usati wamboonekwa, nhengo dzedare iri dzikatanga kuimba dzichiratidza kufarira danho rakanga ratorwa naVaMugabe rekusiya basa.

Muzvare Jessie Majome vaive nhengo yeparamende yeMDC vanoti vanofara kuve mumwe wevakatsigira izvi vachiti kuenda kwaVaMugabe ndicho chinhu chikuru chatyi chaitika munyika kubva muna 1990.

Vanoti VaMugabe ndiye munhu akakonzoresa mutambudziko ese akatarisana neZimbabwe.

Mukuru wenhengo dzeMDC muparamende, Muzvare Tabita Khumalo, vanotiwo zvange zvakakosha kuti paramende ibvise VaMugabe.

Asi vanoti kunyange vachifara nekuenda kwaVaMugabe vanoona sekuti bato ravo neveruzhinji vakashandiswa neZanu PF.

Vanoti havachafi zvakare vakabatana neZanu PF panyaya ipi zvayo.

Vanokokera nhengo dzeMDC muNational Assembly, VaProsper Mutseyami, vatsinhira izvi.

Mutungamiriri weDemocratic Party, Dr Wurayayi Zembe, vaudza Studio7 kuti kuenda kwaVaMugabe muna 2017 kunoratidza kuti nyika inogona kuburirira kana vana veZimbabwe vakashanda pamwe chete.

Doctor Zembe vanoti semaonero avo zvaratidza pachena kuti mutungamiriri anogona kudzingwa basa asi pahapana chinoshanduka kana mitemo ikasachinjwa.

Izvi zvatsgirwa nevamwe vakarwa hondo yerusunguko, Amai Shirly Kanengoni, avo vanoti havawoni veruzhinji vachitsigira zvakaitika muna 2017 zvekare nekuti hapana chakabuda sezvo vanhu vatove kutambura zvakanyanya.

Mutauriri wesangano remubatanidzwa wemasangano anoshanda akzvimirira, VaTabani Moyo, vaudza Studio7 kuti vanhu vakapemberera n’anga yakabata mai uroyi muna 2017.

Vati chidzidzo chikuru ndechekuti masimba anofanira kutorwa negwara rakanaka.

Vanotiwo kubatana kwevana veZimbabwe kunopedza matambudziko ese avainawo.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaJoel Mukusha, vati kubatana kwakaita vanhu muZimbabwe pakubvisa VaMugabe ndiko kubatana kwavanofanira kuita zvakare pakakugadzirisa zviri kunetsa munyika.

Kunyange hazvo zvinhu zvakaoma munyika munyaya dzehupfumi, hutano nezvimwe,vakawanda vanoona sekuti pachine mukana wekugadzirisa zvese zviri kunetsa kana vana veZimbabwe vakabatana sezvavakaita pana VaMugabe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG