Accessibility links

Breaking News

Kuurayiwa kweVana Vadiki Kune Chekuita neNyaya dzeChivanhu Konetsa Vakawanda


Bikes for kids
Bikes for kids

Vamwe vabereki vane vana muzvikoro zvakasiyana siyana munzvimbo
dzakatenderedza Nyika growth point kuBikita vanoti vari kutyira hupenyu hwevana vavo sezvo vana vadiki vari kuurayiwa mudunhu iri nevanhu vanofungidzirwa kuti vanenge vachiita zvemishonga yechivanhu.

Izvi zvinotevera kushaikwa kwevana vaviri mukati memasvondo maviri
mumwe wacho, Mitchel Musharu, ane makore matanhatu akazowanikwa
akafa uye akakandwa mugomba rechimbuzi paseri pezvitoro zvevabereki vake paNyika growth point.

Ongororo yemutumbi waMitchel yakaitwa kuchipatara inonzi yakaratidza kuti mwana uyu akaurayiwa, uye mapurisa anonzi ari kuferefeta nyaya iyi.

Mumwe musikana ane makore mashanu, Noketenda Chirundu, wemuraini rekwa Mhinde, akashaikwa svondo rino achibva kuchikoro uye hasati awanikwa.

Amai VaNokutenda, Amai Faith Kurungedye, vaudza Stduio 7 kuti mwana
wavo haasati awanikwa uye vakamhangara nyaya iyi kumapurisa.

Amai ava vatadza kuramba vachitsanangurira Studio 7 zvakaitika pakushaikwa kwemwana wavo sezvo vange vave kuchema.

Asi vamwe vagari vekuBikita vanoti vave kugara vakabatira hana mumaoko
vachityira kuti vana vavo vanogona kuurayiwa vachibva kuzvikoro uko vamwe vanofamba nzendo refu.

Vamwe vagari vepaNyika vakaita saVaOscar Makova, vanoti misodzi yavo pana Mitchel isati yaoma vakakatyamadzwa nekushaikwa kwaNokutenda izvo zvoita kuti vatyire vana vavo.

Mumwe mugari wekuSosera, Amai Mercy Mutingwende, vanoti zvava kutyisa kuti vana vaende kuchikoro nekudzoka vega nekudaro vari
kuvaperekedza mazuva ose.

Mumwe mugari wekwaChikuku, Muzvare Emilia Musakwa, vanoti dai mapurisa apinda mumaruwa achitsvaga mabhinya aya abatwe kuitira kuti nyaya idzi dzisaitika zvekare.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMasvingo, Inspector Kudakwashe Dehwa, vati vachiri kuferefeta nyaya yekutanga yaMitchel, asi
yaNokutenda vange vachiri kuda kumbobata mapurisa ekuBikita vanzwe
zvizere zvakaitika.

Gore rapera, Tapiwa Makore, mukoma aive nemakore manomwe akagurwa musoro nababamukuru vake vaida kuvandudza mabhizimusi avo nemumishonga yechivanhu kwaMurehwa.

Mwedzi uno, vana vaviri vekuMutasa Central mudunhu reManicaland, Delan na Melissa vemhuri yekwaBenza, vakaurayiwawo nenzira dzinofungidzirwa kuti dzine chokuita nemishonga yechivanhu.

Pakafa Tapiwa gore rapera muna Gunyana, Zimbabwe Human Rights Commission yakashoropodza maitiro akadai ikakurudzira mapurisa kuti aferefete zvine hudzamu nyaya dzakadai.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG