Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Inotambira Zvakabuda Musarudzo dzeMatunhu Gumi


President Emmerson Mnangagwa addressing senior members of Zimbabwe ruling Zanu PF party on Oct. 29, 2021 in Bindura about 80km north of Harare (Columbus Mavhunga/VOA)
President Emmerson Mnangagwa addressing senior members of Zimbabwe ruling Zanu PF party on Oct. 29, 2021 in Bindura about 80km north of Harare (Columbus Mavhunga/VOA)

Dare repamusorosoro reZanu PF, rePolitburo, ratambira zvakabuda musarudzo kunyange hazvo panga paine vamwe vanga vachinyunyuta nemafambisirwo akaitwa sarudzo idzi.

Izvi zvaziviswa nhasi mushure memusangano wePolitburo waitwa nhasi muHarare.

Mutungamiri weZanu PF vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakurudzira nhengo dzebato ravo kuti dzibatane kuitira kuti bato ravo rigokunda musarudzo dziri kuuya.

Vachivhura musangano wekomiti yePolitburo pamusangano waitirwa pamuzinda webato iri, VaMnangagwa vakurudzira nhengo dzebato ravo kuti dzibatane zvichitevera kusafamba zvakanaka kwesarudzo dzehutungamiri hwemapurovhinzi dzakaitwa svondo rapera idzo dzasiya bato iri richiita kunge juzi raTizirai rinoti uku riri kurukwa uku riri kurudunurwa.

Musangano wePolitburo uyu wazeyawo kusafambiswa zvakanaka kunonzi kwakaitwa sarudzo mumapurovhinzi anoti Harare, Masvingo, Manicaland pamwe neMashonaland Central uko kunonzi kwakaitwa chikiribidi pakaitwa sarudzo idzi.

VaMnangagwa vati havasi kufara nechikiribidi chinonzi chakaitwa mune mamwe mapurovhinzi ebato ravo pasarudzo dzakaitwa idzi.

Vakurudzirawo vakakundwa musarudzo kuti vashande nevakavakunda musarudzo dzemapurovhinzi kuitira kuti bato ravo rigokunda musarudzo dzema by-elections dzakatarisirwa kuitwa muna Kurume pamwe nemusarudzo dzemuna 2023.

VaMnangagwa vakurudzirawo bato ravo kuti rishande zvakasimba kuti vanhu vakawanda vanyorese kuvhota musarudzo idzi panguva iyo komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission ichiti hapana vanhu vakawanda vakanyoresa sevavhoti gore rapera rose.

Asi mutauriri weMDCT, VaWitness Dube, vati ZEC inofanira kushanda zvakasimba nebazi rinoona nezvekutoreswa kwezvitupa kuitira kuti vanhu vakawanda vakwanise kunyoresa sevavhoti.

Zvichakadai, mutungamiri webato reTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, vati ZEC inofanira kushanda zvakanaka nemapato ose ezvematongerwo enyika vachiti kushanyira kwavakaita mahofisi eZEC nezuro kwakaburitsa pachena kuti veZEC havasi kudyidzana nevemapato ezvematongerwo enyika.

VaNgarivhume vatiwo mahofisi aya azere mapurisa pamwe nevasori zvavanoti hazvipe ZEC chimiro chakanaka pamberi pesarudzo dzema by-elections pamwe nesarudzo dzemuna 2023.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaGift Siziba, vati havaone sarudzo dziri kuuya dzichifambiswa zvakanaka kana pasina kuvandudzwa mitemo inobata sarudzo pamwe nekubvisa vari muchiuto vanonzi vari muZEC.

Hatina kukwanisa kutaura nemukuru anoona nezvesarudzo muZEC, VaUtoile Silagwana kuti tinzwe divi ravo panyaya idzi.

Asi mugwaro ravo kuvatori venhau nezuro, nhengo yekomisheni yeZEC inoona nezvekuburitswa kwemashoko, Amai Joyce Kazembe, vakati komisheni yavo iri kushanda zvakanaka vakakurudzira veruzhinji kuti vaende kumahosi ekomisheni yavo ari munharaunda makumi matanhatu nenhatu munyika yose pamwe nemahofisi gumi ari mumatunhu ose munyika kuti vanonyoresa kuvhota.

Amai Kazembe vakati vari pakati pekutenga zvose zvavari kuda kushandisa musarudzo dza2023 vachiti panozosvika sarudzo idzi vanenge vagadzirira zvakakwana.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG