Sarudzo dzebato reZanu PF dzekutsvaga vatungamiriri vematunhu dzaitwa nhasi mumatunhu ose emunyika, uye zvizhinji zvabuda musarudzo idzi zvihaziviswa mangwana.
Munzvimbo dzakawanda muHarare dzinosanganisira Mbare neHopley vanhu vatanga kuvhota mangwanani sezvange zvakarongwa.
Asi kune dzimwe nzvimbo dzakaita seMufakose vanhu vatanga kuvhota panguva dzekuma3 masikati zvekuti kusvika pari zvino vachiri kuverenga zvabuda musarudzo.
Amai Lisa Makoni, vanove sachigaro wemadzimai muMaurice Nyagumbo district kuHarare South Constituency, vaudza Studio7 kuti sarudzo dzafamba zvakanaka munzvimbo mavo.
Vachitaura mushure mekuvhota paStodart Hall kuMbare, mutevedzeri weWomen’s League muMbare 1 District, Ambuya Garise, vati sarudzo dzekutsvaga hutungamiriri hutsva hwedunhu ravo dzafamba zvakanaka kunyange hazvo pange paine vakawanda vari kuda zvigaro.
Vamwewo ambuya vaudza Studio 7 kuti vanofara kuti sarudzo dzabuda zvakanaka uye vati vachagara paStodart Hall kudzamara zvabuda musarudzo zvaziviswa.
Murongi wemisangano muZanu PF, VaMike Bimha, vati zvichemo zvavange vanzwa kusvika pari zvino ndezvekuti kune dzimwe nzvimbo vanhu vanooka kutanga kuvhota.
Vati vange vakamirira kunzwa zvizere kubva kumatunhu ese munyika.
VaBimha vatiwo vanotarisira kuti kuverengwa kwemavhoti kunopera mangwana.
Kunyange hazvo sarudzo idzi dzichinzi dzafamba zvakanaka, vamwe vakabuda musarudzo idzi vati vaityityidzirwa.
VaaLazarus Dokora vekuMashonaland Centra vanoti vakabuda musarudzo idzi sezvo zvinhu zvanga zvisina kumira zvakanaka.
Nhasi, VaAbia Mujere vazivisa kuti havachapinda musarudzo, asi havana kupa zvikonzero zvakati tsvikiti.
KuMashonaland East, VaOzias Bvute, vakarambidzwa kukukwidza zvisina tsarukano kunyange hazvo zita ravo raimbenge ratambirwa nePolitiburo.
VaBimha vaudza Studio 7 kuti vanenge vatyityidzirwa vanofanira kumhan’ara kubato kuti vanenge vaita izvi vatorerwe matanho.
Mune makwikwi anotyisa muZanu PF zvekuti pamatunhu ese munyika, VaLarry Mavhima, ndivo vega vakashaya anovakwikwidza pachinzvimbo chasachigaro wedunhu reMidlands.
MuHarare mune vanhu vashanu vari kuda chigaro ichi vanoti, VaChris Chuchu, VaGoodwills Masimirembwa,VaGodwin Gomwe, VaJason Pasade naVaBoniface Karoro.
Facebook Forum