Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Inosarudza Mudzimai Mumwe Chete Chete Kuva Sachigaro weDunhu


ZANU PF Party Logo
ZANU PF Party Logo

Mudzimai mumwe chete chete ndiye akasarudzwa kuva sachigaro wedunhu kubva musarudzo dzeZanu PF dzakaitwa mumatunhu gumi.

Amai Mary Mliswa Chikoka ndivo vakasarudzwa kuva sachigaro weMashonaland West, zvichitevera sarudzo dzakaitwa nemusi weChipiri.

Zanu PF yazivisa zvakabuda musarudzo dzekutsvaga vatungamiriri vematunhu asi ikati vakakunda havafaniri kupemberera pari zvino kudzamara dare rePolitiburo ratambira zvakabuda musarudzo idzi.

Pane zvaziviswa nhasi nemurongi wemisangano muZanu PF, VaMike Bimha, vaimbove sachigaro wevakarwa hondo yerusununguko, VaJabulani Sibanada, ndivo vakakunda kuve sachigaro weBulawayo.

VaGoodwills Masimiremwa, avo vaive sachigaro weHarare, vadzoka pachinzvimbo chavo zvinovawo zvaiitwa naVaKazembe Kazembe avo vange vange vari schaigaro weMashonaland Central

VaDaniel Garwe ndivo vakakunda kuMashonalnd East.

Mumiriri weZaka North muNational Assembly, VaRabson Mavhengwa, ndivo vakakunda kuMasvingo vachitora chigaro chaive naVaEzra Chadzamira.

VaRichard Moyo kuMatabeleland North pamwe naVaMike Madiro vekuManicaland vadzoserwa pazvigaro zvavo mushure mekukunda musarudzo.

VaMangaliso Ndhlovu ndivo vakakunda kuMatabeleleland South uye VaLarry Mavhima vakadomwa kuvesachigaro weMidlands pasina aka vakwikwidza.

Pasarudzo idzi paisarudzwo vatungamiriri vemadzimai, nevechidiki uye Amai Happiness Nyakuedzwa ndivo vave kutungamirira madzimai kuManicaland uye mutevedzeri wemutauriri weparamende, Amai Tsitsi Gezi, ndivo vave kutungamirira madzimai kuMashonaland Central.

VaBimha vati sarudzo muYouth League hadzina kuitwa kuMat North uye dzichaitwwa munguva pfupi inotevera.

VaBimha vati dare rePolitiburto richagara svondo rinouya kuongorora zvakabuda musarudzo idzi uye rinogona kutambira kana kusambira sezvo paine zvichemo kubva kune vamwe vakakwikwidza musarudzo idzi.

Vatiwo kune dzimwe nzvimbo uko vaikwikwidza kwakaitika mhirizhonga uye vachawanikwa vaine mhosva vanogona kuburitswa musarudzo pamwe nekurangwa nemusangano.

Kunyange hazvo sarudzo dzichinzi dzakaitwa murunyaro mumatunhu mazhinji munyika, kune zvichemo zvakati kuti kubva muMashonaland Central, Masvingo neManicaland.

Chikamu chevakarwa hondo kuMashonaland Central chakatonyora tsamba kuMashonaland Zanu Provincial Electoral Directorate chichigunun’una nemafambisirwo akaitwa sarudzo mudunhu.

Studio7 haina kukwanisa kubata vari kunyunyuta ava kuti tinzwe zvakaitika sezvo vari kuda kuti sarudzo dzidzokororwe mumamwe matunhu madiki.

Asi VaBimha vati Politiburo ichaongororoa zvese izvi yozopa muonero wayo nezvinofanirwa kuitwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG