Accessibility links

Breaking News

Nzara Yoita Kuti Vanhu Vasagare Mudzimba Dzavo Munguva yeLockdown


Chinhoyi residents selling food commodities
Chinhoyi residents selling food commodities

Vamwe vagari vekumaruwa mudunhu reMashonaland West vanoti kunyange hazvo vari kuedza kutevedzera zviri kukurudzirwa senzira yekuderedza kupararira kwechirwere cheCoronavirus, vanoti nzara ndiyo yave kuvaburitsa mudzimba dzavo.

Dambudziko rekushaya chekudya nemhuri dzavo, chimwe chezvinhu zviri kuita kuti hurongwa hwekuti vanhu vagare mudzimba dzavo husabudirire zvakanaka munzvimbo dzakawanda kuno kuMashonaland West.

Mumwe mugari wepaBhutsu pedyo neChinhoyi akatarisana nedambudziko iri, VaSimon Katsvere, vanoti vari kutevedza mutemo wekugara mumba, asi nyaya yenzara ndiyo yava kuvaburitsa panze vachinotsvaga zvekudya izvo vanoti zvinovapa mukana wekubata chirwere ichi sezvo vachisangana nevanhu vakawanda apo vanenge vachitsvaga chikafu.

Mumwewo mugari vepaBhutsu pakare, VaKizito Mugabe, vanoti vari kutevedzera zvakakurudzirwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti vanhu vagare mudzimba dzavo, asi havasi kunyatsoita izvi nemazvo.

Ambuya Anna Tembo, avo vaipona nekutenga nekutengesa zvinhu muvanhu, vanoti pavakanzwa nezveCoronavirus, vaifungidzira kuti nyaya yechirwere ichi ichakurumidza kupfuura.

Ambuya Tembo vanoti zvave kuvaomera sezvo vasina mari yekutenga sauti, mafuta nekugaisa nekuti hapana zvavari kuita zvinovawanisa mari munguva ino apo vanhu vakawanda vari kugara vari mudzimba dzavo vachitya kubata chirwere ichi.

Mumwe mugari wepaWitches Farm pedyo neBanket, Amai Emilda Kanyoka, vanoti panguva yakaita seino, hurumende inofanirwa kunge iine hurongwa hwekupinda muvanhu ichivapa chikafu nekuti vanhu vakawanda havana chikafu mudzimba dzavo.

Asi mumwe samusha, VaJames Mano, avo vanogara vari vasere pamba pavo, vanoti vakatora matanho ekuti vasagare vakawanda mumba yekubikira sezvavayisiyita chirwere cheCoronavirus chisati chagogodza pamusuwo wenyika.

VaMisheck Ziyera, avo vanogara paShanguru pedyo neChinhoyi, vanoti kurudziro yekusaungana inopesana zvikuru netsika nemagariro epachivanhu izvo zviri kuita kuti vamwe vatadze kusiyana netsika dzavo senzira yekuti vasapane chirwere ichi.

VaZiyera vanoti chinhu chakaoma kudzinga hama neshamwari nevavakidzani kana vachinge vauya pamba pako.

Vachitaura kutanga kwesvondo rino muChinhoyi, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vakati hapana munhu anofa nenzara sezvo rubatsiro rwechikafu rwuchawedzerwa munguva ino yekuvharwa kwenyika.

Asi vanhu vakaita saAmai Kanyoka vanoti hapana rubatsiro rwavari kuwana munguva yeLockdown ino.

Vagari vemumadhorobhavari kuchemawo kuti vanoda ruyamuro rwechikafu sezvo vasina kwavanowana mari yekutenga zvekudya.

Izvi zviri kusiya vanhu vakawanda vachida ruyamuro rwechikafu kudarika apo nyika isati yavharwa kwemasvondo matatu.

Sangano reWorld Food Program rinoti vanhu vanosvika mamiroyoni masere vanoda rubatsiro rwechikafu muZimbabwe kusvika nyika yawana goho rakanaka gore rino.

Zimbabwe yapinda muzuva rechitanhatu yakavharwa senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCoronavirus, icho chabata vanhu vapfumbamwe, mumwe wacho, Zororo Makamba, akashaya muHarare mwedzi wapera.

Pasi rose vanhu vanodarika miriyoni imwe chete nezviuru zana nemakumi matatu vabatwa nechirwere ichi, uye vanhu vanosvika zviuru makumi matanhatu vafa neCoronavirus, iyo yakatanga kuChina gore rapera.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG