Accessibility links

Breaking News

Vari kuMaruwa Vokurudzirwa Kuzvidzivirira kuCovid-19


Mutoko Rally
Mutoko Rally

Kunyange hazvo denda reCovid-19 richiri munyika vanhu vakawanda kumaruwa ekuMashonaland East anosanganisira Murehwa vari kufamba vasina kuzvidzivirira kuchirwere ichi izvo zvinonzi nenyanzvi munyaya dzehutano zvinogona kukonzora kuparararira kwechirwere ichi.

Vanhu vakawanda vekumaruwa vanoona sekuti vanhu vemumadhorobha ndivo vanonyanyobatwa neCovid-19.

VaIrimai Chakaza, avo vanogara kuMurehwa West, vanoti vanhu vakawanda munzvimbo yavo havakosheshi zvekupfeka mamasiki munguva ino yekurwisa chirwere che Covid-19.

VaChakaza vanoti vanozviza kuti chirwere ichi chinouraya asi havasati vaona pachakauraya izvo vati zviri kukonzera veruzhinji kuti vasatora matanho anokurudzirwa kupararira kwacho.

Mumwe mugari, VaTakunda Mabaya, vanoti hapana kurudziro yakanyanya iri kuitwa kumaruwa sezvinoitwa kumadhorobha. Vanoti izvi ndizvo zviri kuita kuti vasaite hany’a nekutora matanho ekuzvidzivirira.

Asi vachitaura nevatsigiri vebato ravo muzvimbo iyi, murongi wemisangano muMDC Alliance, VaAmos Chibaya, vakayambira vagari ava kuti vakoshese zvavanoudzwa nenyanzvi pamusoro pechirwere ichi vachiti chinouraya.

Imwe nhengo yerimwe sangano rinoshandira kumaruwa eChipinge neChimanimani, VaOwen Dhliwayo, vanoti dambudziko rekusapfeka mamasiki ririko kwavanoshandira uye vanorwisana naro zuva nezuva.

Vatiwo zvinoburitswa muongororo dziri kuitwa pamusoro pechirwere ichi zuva nezuva zvinoratiddza kuti chirwere ichi chakawandira kumaguta akaita seHarare neBulawayo izvo zvave kuita kuti vanhu varivare kumaruwa.

Vaombove gurukota rezvehutano panguya yehurumende yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera, vaudza Stduio7 kuti zviri kuitika kumaruwa zvine ngozi yakakura.

Dr Madzorera vanoti dambudziko iri rinowanikwawo mumisha inogara veruzhinji mumaguta uye chirwere ichi chinogona kuputika zvakare kana vanhu vakarega kutevedza zvakatarwa nebazi rezvehutano pamwe neWorld Health Organisation pakudzivirira Covid-19.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG