Dare reseneti rapasisa bhajeti regore rinouya zvechichimbi izvo zvafadza gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, avo vati izvi zvinoratidza kuti dare iri rinobvumirana nazvose zviri mubhajeti iri.
Seneti yapasisa bhajeti iri mushure menguva pfupi pfupi pasina zvashandurwa pamapasiro arakaita kudare reNational Assembly nezuro manheru.
Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vaudza Studio7 kuti zvinofadza kuti bhajeti rapasa nekukasika vachiti izvi zvinoita kuti vatange kutoita basa pakutanga kwegore.
Vati zvaitika izvi zvaratidza kuti nhengo dzeseneti dzinobvumirana nezvose zviri mubhajeti uye chave chijana chavo chekutevedza hwaro hwebhajeti iri uhwo hunokurudzira kugadzirwa kwezvinhu pamwe nekuvepo kwemabasa.
Dingindira rebhajeti remadhora mabhiriyoni makumi matanhatu nematatu nechidimbu, rinoti Gearing for Higher Productivity, Growth and Job Creation.
Mune imwewo nyaya nhengo dzeparamende dzeMDC dzazivisa kuti hadzisi kuzomira pamberi pekomiti yakaumbwa neparamende kuti iongorore maitiro adzo apo dziri kuramba kuremekedza kana kutambira, VaEmmerson Mnangagwa, semutungamiriri wenyika.
Komiti iyi, iyo ine nhengo dzeZanu PF chete, yakaumbwa nekomiti inotungamira mabasa eparamende, yeStanding Rules and Orders Committee, SRCO, mushure mekunge nhengo dzeMDC mukomiti iyi dzabuda mumusangano weSROC dzichiti dzainge dzisingabvumirane nezvainge zvave kurongwa mukomiti iyi.
SROC inotungamirirwa nemutauriri weparamende, Advocate Jacob Mudenda, vebato reZanu PF.
Vanokokera nhengo dzeMDC muNational Assembly, VaProsper Mutseyami, vaudza Studio7 kuti hapana nhengo yebato ravo ichamira pamberi pekomiti iyi sezvo ichitori nedivi rayakarekera.
Nhengo dzeMDC dzakatomborangwa neparamende, nekunyimwa mari yadzo yemihoro, peturu nezvimwe nekuda kwenyaya iyi.
Asi VaMutseyami vati izvi hazvisi kuzovadzorera kumashure.
Munyori weMDC anoona nezvebumbiro remitemo neparamende, VaKucaca Phulu, pamwe nemunyori wemutemo, VaInnocent Gonese, vaudza VaMudenda kuti havachina chiremera nekuti vave kuita basa ravo vane divi ravakarekera.
Vaviri ava vati zvava kuitwa naVaMudenda hazvienderani nezvinotarisirwa kuvatauriri vemaparemende pasi rese.
VaMudenda varamba kutaura pamusoro pekomiti iyi sezvo isati yapedza basa rayo.
Komiti iyi, yePriviledges Committee, iyo inotungamirirwa naVaJonathan Smakange, yakapihwa kusvika musi wa 28 Kukadzi kupedza basa rayo.
Rimwe gweta rinoshandira muHarare, VaKudzia Kadzere, vaudza Studio7 kuti vanoona sekuti danho ratorwa nenhengo dzeMDC rakanaka chose sezvo komiti inofanira kunge ichiongorora nhengo dzeMDC, ichifanira kunge ine nhengo kubva kumapato ose ari muparamende.
MDC yakaita chisungo pakongiresi yayo chekuti haitambiri VaMnangangwa sumutungamiriri wenyika nekudaro pose pavanouya kuparamende, nhengo dzayo dzinobuda mudare kana kuti hadzivaremekedzi.
Facebook Forum