Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi Muvhuro, Zvita 28, 2015


Ini ndini Marvellous Mhlanga-Nyahuye ndichiti heyinoIni ndini Marvellous Mhlanga-Nyahuye ndichiti heyino misoro yenhau dzanhasi Muvhuro, Zvita 28, 2015

Vana chiremba voyambira hurumende kuti mihoro yavo ikasagadziriswa, vari kukanda mapadza pasi panotanga gore idzva, musi wa Ndira 1, 2016….

Zesa yoronga kukwidza mutengo wemagetsi panguva iyo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzehupfumi, veruzhinji vachitambura…..

Varume vaviri vanorwara nepfungwa vanotsakatika kuKadoma mushure mekutorwa nenhengo dzeApostolic Faith dzichiti dziri kunovarapa….

Vagari vekuMashonaland West vanoti kunetsana kuri muZanu PF kuri kusiya bato iri risina mukana wekukunda musarudzo dzichaitwa munyika…..

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na 8:30pm, tiri kutarisa dambudziko rakatarisana nehurumende rekutadza kubhadhara vashandi vayo….

Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 13860 ne 15460 kilohertzs pa shortwave kana paFacebook page yedu yeVOAShona.

XS
SM
MD
LG