WASHINGTON —
Vagari vemuArlington Estate vokumbira matare kuti amise kanzuru yeguta reHarare kubvisa vagari ava munzvimbo dzavakavakira dzimba dzavo.
Vanopikisa nevanorwira kodzero dzevanhu votaura pamusoro pemashoko emutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamire nyika dzemuAfrica panyaya United Nations Security Council.
Vatsigiri venhabvu vokanganwa zvikwata zvavo munyika vachitevera zvikwata zvenhabvu zvinotambira mhiri kwemakungwa.
Muchirongwa cheLiveTalk tiri kutarisa mashoko aVaMugabe vari kumusangano weAfrican Union ekuti Africa ibude mu United Nations kana pasina nyika inomirira Africa yagadzwa zvachose muSecurity Council.