Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kukadzi 07, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kukadzi 07, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanodoma VaNelson Chamisa, kuti vafanobata chigaro chavo chekutungamira bato iri panguva iyo vanenge vachirapwa kuSouth Africa kwavari.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzotaura pamusoro pekusagadzikana kuri muMDC inotungamirwa naVaTsvangirai.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvotaura pamusoro pegakava riri munyika iyi pakati pemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, nebato ravo reANC iro riri kuda kuti vasiye basa izvozvi.

Vari pamudyandigere vanoratidzira muBulawayo vachiti vanoda kuti mari dzavanopihwa dziwedzerwe.

Gurukota redunhu reMasvingo, VaSilas Hungwe, vanoramba kupindura mibvunzo ine chekuita nemhirizhonga musarudzo.

Muchirongwa cheLiveTalk Diaspora Forum na8pm, tiri kutarisa nezvekodzero dzekuvhota dzezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG