Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chikunguru 12, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, vanodirwa mvura nezvizvarwa zveZimbabwe zvange zvichiratidza kusafara nekuve kwaVaMoyo muLondon. Izvi zvaitika pavange vobva paChatham House apo VaMoyo vange vaine musangano.

Studio7 inotarisa zvakadzama gakava riri kuitika mukanzuru yeBulawayo pakati pemunyori weguta, VaChristopher Dube, nemutevedzeri wameya weguta iri, VaTinashe Kambarami.

Sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions roronga kuratidzira zvichitevera kukundikana kwenhaurirano dzinoitwa muhurongwa hweTripartite Negotiating Forum

Chikwata cheZimbabwe Netball Team chinokunda Sri Lanka mumutambo wacho wekutanga watambwa nhasi kuLiverpool kumakwikwi e2019 Netball World Cup.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kunetsa munyika munyaya dzakawanda.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG