Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro Gunyana 16, 2019


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vanachiremba vakuru vanobatana navanachiremba vadiki mukuratidzira vachizivisa hurumende kuti havasi kuzoshanda kuzvipatara zvehurumende pamwe nekumasejari kwavo kusvika mumwe wavo, Doctor Peter Magombeyi, anonzi akapambwa neMugovera awanikwa.

Vana chiremba nevamwe vashandi vepazvipara zveMpilo neUnited Bulawayo Hospitals vanoratidzira paMpilo Hospital muBulawayo senzira yekuratidza kusafara kwavo nekutsakatika kwevakafanobata chigaro chemutungamiri wesangano ravanachiremba vehurumende, reZimbabwe Hospital Doctors Association, Doctor Peter Magombeyi.

Mutumbi wevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, unoendeswa kumusha kwavo kwaZvimba kuMashonaland West, uko veruzhinji vapiwa mukana wekuonekana navo paMurombedzi Growth Point.

Apo mhuri yeZimbabwe iri kuchema kushaya kwevaimbove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, pane maonero nemafungiro akasiyanasiyana muvamwe vagari vemaMutare pamusoro pekushaya kwavo.

Chikwata chenhabvu cheZPC Kariba chinoita zvanga zvisingatarisirwe nevakwanda zvekuenda pamusoro peCastle lager Premier League Table, chichisiya pasi chikwata chine mukombe uyu pari zvino cheFC Platinum, icho change chisina mutambo mukupera kwesvondo rino.

Vashandi vemuzvipatara nemakiriniki ekanzuru yeHarare vanoti vari kusangana nezvipingaidzo mumabasa avo kana vachinge vashanyirwa nevarwere vanoshandisa mutauro wemaoko kana kuti sign language vanenge vaine zvirwere zvakasiyana siyana.

Muchirongwa chedu che LiveTalk na8pm nhasi tiri kutarisa kuratidzira kwavanachiremba muzvipatara zvikuru zvemunyika vachinyunyuta nekukwavanoti kupambwa kwemumwe wavo, Doctor Peter Magombeyi neMugovera. Tichatarisawo nezvekushaya kwevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo mutumbi wavo waendeswa kumusha kwavo kwaZvimba nhasi masikati.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG