Hurumende yanyorerana chibvumirano neimwe kambani yekunze kwenyika kuitira kuti ibatsirwe mukutengesa marasha kunyika dzakaita seIndia neJapan.
Vachitaura pakunyoreranwa kwechibvumirano ichi ne Victoria Consulting, gurukota rinoona nezvezvicherwa, VaWinston Chitando, vati donzvo rehurumende nderekuti nyika iwanirwe kwekutengesera marasha kuIndia uye kuitira kuti iwane mari yekushandisa mukuchera marasha aya.
VaChitando vati Zimbabwe inofungidzirwa kuti ine marasha anosvika mabhiriyoni makumi maviri nemashanu ematani asi pagore kuri kucherwa matani ari pakati pemamiriyoni maviri nemamiriyoni matatu.
VaChitando vatiwo India ndiyo inotenga marasha akawanda pagore zvichienzaniswa nedzimwe nyika.
Vachitaura pamusangano mumweyo, mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vati Zimbabwe inofanirwa kutora mukana wekudyidzana wakanaka uripo pakati payo neIndia.
Studio7 haina kukwanisa kuziva kuti kambani yeVictoria Consulting yakamboshanda nenyika dzipi, uye kuti vakuru vayo ndivanani.
Asi vaimbove mutevedzeri wegurukota rezvezvicherwa muhurumende yemubatanidzwa, VaGift Chimanikire, vati havaoni kuti zvakanaka kuti Zimbabwe itsvage misika yekutengesera marasha kunze kwenyika, ipo pari zvino kusiri kucherwa marasha anokwana munyika.
Nyanzvi mune zvehupfumi, VaNyasha Muchichwa, vatiwo havaoni zvakakosha kuti Zimbabwe itsvake kambani yekunze inonotsvakira Zimbabwe misika yemarasha.
VaMuchichwa vatiwo zviri nani kuti kushandiswe hukama hwagara huripo nedzimwe nyika.
Dandemudande rebazi rezvezvicherwa rinoti Zimbabwe ine marasha akanaka, uye ine nzvimbo makumi maviri nepfumbamwe dzine marasha.
Makambani maviri chete munyika, Hwange Colliery neMakomo Resources, ndiwo ari kunyanyochera marasha.
Facebook Forum