Vamwe vemabhizinisi nemakambani pamwe nezvimwe zvikoro zvepamusoro vanoti zvirango zvehupfumi zvakatemerwa nyika zviri kuvatadzisa kuita mabasa avo zvakanaka.
Asi vamwe vanopikisa vanoti huwori uye kusajeka kwegwara rezvehupfumi munyika ndiko kwakonzera kuti nyika iite seyakageza negoka munyama.
Mamwe mabhanga emunyika akapinda munyatwa neAmerica akazochenurwa anosanganisirawo CBZ ne ZB Bank. VaMasiyiwa Chatekunye avo vaishanda sechipangamazano kuLiberia vanoti vakambotorerwa mari yavo kwemwedzi mitanhatu vachinzi vaishandisa banga reCommercial Bank of Zimbabwe-CBZ-iro raisabvumirwa kufambisa mari dzinobva kunyika yeAmerica.
VaChatekunye vanoti ivo havaite zvematongerwo enyika.
Gurukota rinoona nezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube vanoti kuiswa kwemamwe mabhanga pazvirango achipomerwa mhosva yekutyora mitemo yeAmerica pakudyidzana nemakambani nevanhu vakatemerwa zvirango kuri kukonzera kuti Zimbabwe itadze kukwereta mari yekuvamba mabhizimisi kunze zvinozopa kuti itsvage mari ine mutero wakakura kune vamwe vashoma vachiri kuda kudyidzana nayo.
Gore rino mushure mekuferefeta kwemakore mabhanga anoti Infrastructure Development Bank of Zimbabwe ne Agricultural Development Bank of Zimbabwe, bazi rezvehupfumi muAmerica re Treasury Department's Office of Foreign Assets Control rakachenura mabhanga aya zvinonzi neZimbabwe zvave kupa kuti aite basa akasungunuka.
Asi kunyangwe pakabviswa mabhanga aya pane makambani ange atemerwa zvirango, America yakabva yatemerawo zvirango kambani inodyidzana zvakanyanya nehurumende yeZimbabwe asi ichipomerwa mhosva yekuita zvehuori zvavhiringidza hupfumi hwenyika yeSakunda Holdings pamwe nemuridzi wavo VaKudakwashe Tagwirei.
Mutevedzeri wemutungamiri weZimbabwe National Chamber of Commerce VaGodwin Muoni vakaudza bepanhau reChronicle kuti nyaya yezvirango iri kupa kuti kukwezva vekunze vanoda kutanga mabhizimisi kunetse sezvo vachiti zvirango zvinopa kuti vamwe vafunge kuti kutannga mabhizimisi munyika kuzvisikira moto muziso.
Asi America inoti chiri kupa kuti Zimbabwe itadze kukwereteswa mari kunze handi zvirango asi nyaya yekusadzora zvikwereti.
Kunyangwe nyika dzeEuropean Union kana America dziri kubvisa zvimwe zvirango kumamwe makambani, kambani yeZimbabwe Defense Industries haisati yabviswa ichipomerwa mhosva yekutenga zvombo zvinoshandiswa nemauto nemapurisa kutyora kodzero dzevanhu.
Makambani akatemerwawo zvirango neAmerica anosanganisirawo eZanu-PF akaita seJongwe Printing and Publishing Company, ZIDCO, M And S Syndicate nemamwe.
Kunze kwemakambani aya vamwe muzvikoro zvepamusoro soro vanoti vari kuvhiringidzirwao mabasa nezvirango izvi sematauriro emhudzidzisi paChinhoyi University of Technology-CUT Muzvinafundo Anderson Maminime.
Asi vamwe vanoti nyaya yehuori ndiyo yapa kuti Zimbabwe iomerwe nezvinhu vachipa muenzaniso zvirango zvainge zvakatemerwa Rhodesia neUnited Nations izvo vakawanda vanoti zvainge zvakaomarara kudarika zviripo ikozvino.
Rhodesia muna 1966, iri pasi pevaive mutungamiri wehurumende VaIan Douglas Smith ndiyo nyika pasi rose yakatanga kutemerwa zvirango neUnited Nations.
Muna 1966, vaive mutungamiri wenyika yeBritain VaHarold Wilson vakapika kumusangano weCommonwealth kuNigeria kuti hurumende yaVaSmith yaizodonha mukati memavhiki kwete mwedzi.
Asi izvi hazvina kuitika nekuti Rhodesia yakatsvaga nzira dzekuvandudza maindustry ayo kuti ikwanise kurarama. Vanokokera mabasa musangano reCitizens Manifesto VaBrigs Bomba vanoti Rhodesia yakakwanisawo kugadzira zvimwe zvinhu kuti ipunyuke mukanwa mamupere.
Mashoko aya atsinhirwawo nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda neLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe Dr Prosper Chitambara vanoti chakakosha ndechekuti kunyange paine zvirango panofanirwa kunge paine hurongwa kana kuti ma policies anovandudza hupfumi mukati mezvirango.
VaChitambara vanoti Zimbabwe inogona kushandisa hukama hwayo neChina kukunda zvirango sezvo China iyine mazakwatira emari yayakaisa parutivi kana kuti ma reserves
Muna 2003, vaive mutungamiri wenyika yeAmerica VaGeorge Bush vakatemera vamwe vatungamiri venyika yeZimbabwe zvirango nenyaya yekutyora kodzero dzevanhu. Asi vakuru vehurumende vanoti izvi zvakaitwa nekuti vainge vatora minda kubva kuvachena kuendesa kuvatema.
America ine nyika dzakawanda dzayakatemera zvirango dzinosanganisira North Korea, Cuba, Iran nedzimwe. Zimbabwe yakatemerwawo zvirango nenyika dzinodyidzana neAmerica dzinosanganisa Canada, New Zealand nedziri mugungano reEU.
Pazvirango zveEU, pasara kambani yeZimbabwe Defense Industries chete nevamwe vakuru muhurumende vashoma.
Facebook Forum