Zvizvarwa zvemuZimbabwe zvinoti zviri kuoneswa chitsvuku kuTanzania pazvinenge zvichitora motokari dzavanenge vatenga kuJapam padandemutande.
Vanhu ava vanoti vanosangana nematambudziko akawanda anosanganisira kupiwa motokari nguva yapera, kushungurudzwa nemapurisa ekuZambia neTanzania, kubhadhara mitero yavasinganzwisise paChirundu Border Post uye kufamba mitunhu yakareba inokonzera tsaona sezvo vanenge vaneta.
Vazhinji vavo vanoti dambudziko rinotanga apo vanosvika muTanzania. Vanoti dambudziko repekugara idambudiko rinoita kuti vabhadhare mari yakawanda yavanenge vasingafungidzire.
Nzvimbo yekugara inobhadharwa mari iri pakati pemadhora makumi maviri emadhora kusvika pamadhora makumi mana.
Vanoti mari iyi iri kuwanda nekuda kwemazuva avari kutora vasati vapiwa motokari dzavo nekambani yeBE FORWARD yekuJapan iyo inopa basa rekupa vanhu motokari dzavo kumakambani emuTanzania sezvinodiwa nemutemo wemunyika iyoyo.
Svondo rino kunonoka kupiwa motokari kwakakonzera nyonganyonga iyo yakaita kuti vanhu vapedze horidhe yeKisimiusi vari muTanzania.
VaGodfery Ushe Makumbe, avo vanobva kuBudiriro, mumwe wevanhu vakatamba Kisimusi vari muTanzania. VaUshe vanoti nhamo yavo ndiyo iri kuvamanikidza kugara musango vachishawira mhuri yavo.
VaUshe vanoti kunze kwedambudzio rekubhadhara mari yakawanda yepekugara, vanomanikdzwa kupa mapurisa ekuTanzania mari yechioko muhomwe sezvo vachivashungurudza kunyange vasina mhosva yavanenge vapara.
Mumwe akaenda kuTanzania, VaTineyi Marayini, vanochemawo nedambudziko rekushungurudzwa nemapurisa emuTanzania avo vanoti mapurisa emunyika iyi vane huwori hwemhando yepamusoro..
Mumwe wevachairi vemotokari vanorarama nekunotorera vanhu motokari dzavo kuTanzania vachipiwa mari, VaChristopher Chogugudza, vanoti vanopiwa mari inosvika madhora mazana matatu kunotora motokari imwe chete.
Vanochema chema pamusoro pemutunhu wakareba unosvika makiromita zviuru zviviri kubva kuHarare kusvika Dar esa Salam.
VaChogugugdza vanoti mari yavanobhadhara pamuganhu weZambia neTanzania weTunduma yakawanda sezvo motokari dzichienda kuZimbabwe.
Zambia inobhadharisa madhora mazana maviri kuti motokari dzipfuure nemunyika iyi.
VaTererai Hamandishe vekuGweru vanotiwo havafari nemari inobatwa neZimra paChirundu sezvo yakawandisa uye ichikwira nguva nenguva.
VaUshe vanoti havatenge motokari muTanzania sezvo zvichivadhurira. VaUshe vanoti makambani emuTanzania vanongo dhurirwa zvakafanana navo kuunza motokari kubva kuJapan ivo vazoisa imwe mari pamusoro izvo zvinozoita kuti gwaro rekutenga motokari muTanzania rive nemari yakawanda.
Vazhinji vanotora motokari muTanzania vanenge vatumwa nehama sezvo vanhu vakawanda vachitya kufamba mutunhu wakareba. Vatyairi vanotumwa ava vanoti vave kurarama nekunotorera hama neshamwari motokari.
Mumwe mutyaira wemuHarare anoda kudanwa nezita rekuti Elvis anoti ave kutorarama nekunotorera vanhu motokari. Elvis anoti anoenda kunotora motokari kaviri pamwedzi.
Vamwe vakawanda vanotorerwa motokari vanodzitengesa vachipiwa mari pashoma nepashoma izvo zvinovapa mukana wekufanobhadhara imwe mota. Vanoti painosvika mushure memasvondo matanhatu, vanenge vave nemari yekubhahara pabhodha.