Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vanoti Vanoda Kutambiriswa Madhora ekuAmerica


Varairidzi vakawanda vanoti mari yavapihwa nhasi nehurumende yekuti vayamurike ishoma zvikuru vachiti chavari kuda imari yavaitambira iri yemadhora ekuAmerica.

Mumwe mudzidzisi wekwaChiendambuya kwaRusape, VaFambayi Fambayi, vati mari iyi ishoma zvikuru sezvo pasina zvainokwanisa kutenga.

Sachigaro werimwe sangano revadzidzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vati kunyange mari iyi ikabatanidzwa nemari dzemihoro yavo haidarike madhora zviuru zvishanu zvinodiwa kuti mhuri yevanhu vashanu vararame pamwedzi.

Munyori mukuru weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaRaymond Majongwe, vati wochiri kunetsa ndechekuti mari iyi haina kubuda munhaurirano uye ishoma zvekuti hairaramise vadzidzisi vari
kukwangwaya nenhamo.

Mukuru weZimbabwe Teachers Association, VaSifiso Ndlovu, vati mari yawedzerwa yakafanana nemutero wembwa. Vati vadzidzisi vanofanirwa kuwedzerwa mari kuti idarike madhora zviuru gumi nezvishanu kuti vararame sevanhu.

Hurumende inoti yafanopa vadzidzisi mari iyi kuti vafanobatsirikana apo vanenge vachiita nhaurirano munyaya dzemari yemihoro.

Mune imwewo nyaya, vadzidzi vakawanda vapfekedzwa nguwani dzedzidzo vari kumba kana kuti virtual nekuda kwekutyirwa kuti vakaungana pachikoro cheChinhoyi University of Technology sezvavanogaroita makore ese, vano paradzira chirwere cheCovid-19.

Mumwe aswera akapfeka nhumbi dzedzidzo nhasi ari kumba ndiMuzvare Vimbainashe Chitauro avo vati vaishuwira kupemberera zuva ranhasi vari kuchikoro nevamwe.

Muzvare Chitauro vati vatadza kuona zvanga zvichiitwa kuchikoro sezvo vanga vasina mabhanduru ekuvhura madandemutande.

Chinhoyi University of Technology - Vimbainashe Chitauro
Chinhoyi University of Technology - Vimbainashe Chitauro

Asi mumwe wevakanzi vange vari pachikoro nhasi nekuti vakaita zvidzidzo zvepamusoro, VaIgnatius Sakala, vati mufaro wavo mushoma sezvo vamwe vavakadzidza navo vatadza kunge vari pachikoro.


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vapfekedza vadzidzi vakapedza zvidzidzo zvavo vanosvika zviuru zviviri nemazana maviri nemakumi mapfumbamwe nevaviri, asi vazvinji vavo vanga vari kudzimba dzavo vachiona zvanga nzvichiitika padandemutande.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG