Pararmende yapedza kunzwa pfungwa dzevanhu pamusoro bhiri rekushandura mutemo wedzidzo, reEducation Amendment Bill, rimwe sangano rinomirira varairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe (PTUZ), richiti haribvumirani nedanho riri kuda kutorwa nehurumende rekurambidza kurangwa kwevana muzvikoro richiti izvi zvinokurudzira kuti vadzidzi vaite misikanzwa zvakanyanya pamwe nekuisa hupenyu hwevarairidzi munjodzi kubva kuvana vanoita misikanzwa.
Kana bhiri iri rikaitwa mutemo, varairidzi vanenge vasisabvumidze kuranga muzvikoro vadzidzi kana vabenge vakanganisa.
Asi vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa muPTUZ, VaLadistous Zunde, vaudza komiti yeparamende inoona nezvedzidzo yepasi kuti sangano ravo haribvumirani nebhiri iri.
Vati nyaya yekuti vana vorangwa sei inofanira kutoitirwa referendamu chaiyo vachiti kana bhiri iri rikaitwa mutemo pachaitika dambudziko guru muzvikoro.
Vatiwo vanhu vemuZimbabwe havafaniri kubatira tsika dzedzimwe nyika pamusoro vachiti kunyika dzinoregwa vana vachiita pamadiro dzakaita seAmerica kwave nematambudziko makuru ekuti vana vave kuurayana muzvikoro.
Asi vachipawo humbowo kukomiti iyoyi, mutungamiri wesangano rinomirira varairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vati sangano ravo rinobvumirana nezviri mubhiri reEducation Amendment Bill zvekuti vana vasarohwe muzvikoro asi kuti pashandiswe dzimwe nzira dzekuvaranga.
VaMasaraure vatiwo bhiri iri rinofanira kurambidza kushandiswa kwezvikoro, vana vechikoro nevarairidzi nevezvematongerwo enyika.
Imwe nyaya yabuda pamusangano uyu ndeyekuti bhiri iri rinofanira kuenzanisa mukana pakati pevadzidzi vemuzvikoro zvekumadhorobha nemaruwa.
Amai Helen Venganai, avo vanoshanda nesangano reMambure Trust, vatiwo kunyange hazvo bhiri iri richiti vana vechikoro havafaniri kudzingwa kana vasina kubhadhara mari yechikoro, panofanira kuve nenzira yekuona kuti vana vanoramba vachidzidza.
Imwe nyaya yabudawo pamusangano uyu ndeyekuti bhiri iri rinofanira kupa mukana kuvana vakaremara wekuti vadzidze sevamwe vana.
Amai Butsilo Nare vaudza komiti iyi kuti vave kutoendesa mwanawo kuPrivate School nekuti vakashaya rubatsiro kubva kuzvikoro zveveruzhinji.
Vabereki vakawanda vapinda mumusangano uyu vashora zvikuru varairidzi vachiti vanobata vana vakaremara neseri kweruoko izvo zvinoita kuti vana ava vagare vakasurukirwa nguva dzese.
Asi VaZunde vatiwo varairidzi havasi kufara nemihoro yavo pamwe nemashandiro avo, izvo vati zvinofanirwa kugadziriswa nemitemo inobata dzidzo.
Zvimwe zviri mubhiri iri ndezvekuti, vana vechikoro vapinde chikoro mahara kubva paEarly Childhood Development kusvika muGrade 7 asi veruzhinji vanoti vana vanofanira kudzidza mahara kusvika paForm 4.
Sachigaro vekomiti Amai Priscilla Misiharambwi – Mushonga vati komiti yavo ichatura zvayakawana apo yakatenderera nenyika uye hurumende inotarisirwa kutambira zvimwe zvakabva kuvanhu bhiri iri risati raitwa mutemo.
Gurukota rezvedzidzo yepasi, Muzvinafundo Paul Mavhima, vanotarisirwa kupindura zvakataurwa nevanhu apo bhiri iri richaverengwa kechiviri muparamende nguva pfupi inotevera.
Facebook Forum