Varairidzi vari musangano re Progressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, vanoti havasi kuenda kunodzidzisa panovhurwa zvikoro nemusi weChipiri sezvo vasina mari yekuendesa kubasa.
Sangano iri rinoti hupenyu huri kuomera varairidzi zvekuti havachisina mari yekuti vakwanise kuenda kubasa.
Mutungamiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou, vanoti kunyange hazvo hurumende yakaedza kutaura nevashandi vayo nemusi weChishanu, hapana chakabuda nekuti mari yakavimbiswa nehurumende ishoma zvikuru kuti igadzirise matambudziko akatarisana nevashandi vose vehurumende, kusanganisira varairidzi.
Sangano re Amalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe rinotiwo rakabuda nechisungo pakongiresi yaro chekuti varairidzi havasi kuzoenda kunodzidzisa panovhurwa zvikoro.
Sangano iri rinoti nhengo dzaro dziri kuomerwawo nehupenyu sezvo mari dziri kutambirwa nevarairidzi dziri shoma.
Izvi zviri kutsigirwawo nerimwe sangano re Zimbabwe Teachers Association.
Studio7 haina kukwanisa kubata gurukota rezvevashandi, Va Paul Mavhima, kuti tinzwe divi ravo.
Asi pamusangano wakaitwa neChishanu, hurumende inonzi yakanga yavimbisa vashandi vayo kuti vaizowedzerwa nezvikamu zvinotangira pazvikamu makumi mapfumbamwe nezvinomwe kubva muzana, zvichidzika.
Vainge vakamirira hurumende munhaurirano idzi, Va Moses Mhike, vakaramba kutaura neStudio7 vachiti VaMavhima ndivo chete vanotaura nezvenyaya iyi.
Facebook Forum