Munyori wemu America ane mukurumbira mukuru pasi pose, Amai Toni Morrison, vakashaya neMuvhuro kuNew York vave nemakore makumi masere nemasere.
Bhuku rakanyorwa naAmai Morrison muna 1988, rinonzi ‘Beloved’, renhoroondo yemutapwa akange atiza varidzi vake, rakapiwa mubairo wekunyora weNobel Prize, zvikaita kuti Amai Morrison vave mudzimai wechitema wekutanga kupiwa mubairo uyu.
Muna 2012, vaimbove mutungamiriri weAmerica, VaBarack Obama, vakakudza Amai Morrison nekuvapa menduru yePresidential Medal of Honor.
Amai Morrison vakamboshanda semupepeti wemabhuku pakambani inozivikanwa zvikuru, yeRandom House, kubva muna 1967 kusvika muna 1983, vakavazve munhu mutema wechidzimai wekutanga kuita basa iri pakambani iyi.
Amai Morrison vakamboita murairidzi kwemakore mazhinji paHoward University, pachikoro pavakadzidza vakapedza dzidzo dzavo ipapo muna 1953.
Zvimwe zvikoro zvepa musorosoro pavakaita murairidzi zvinosanganisira Yale University, SUNY Purchase, Bard College, Rutgers University, SUNY Albany ne Princeton University apo pavakazobva vavekuenda kumudyandigere muna 2006.
Vanodzidzisa zvematongerwo enyika paWellesley College, kuMassachusets, Doctor Chipo Dendere, vanoti Amai Morrison vaifarira vanyori veku Africa uye vaiwirirana nevanyori ava, vanosanganisira Chinua Achebe na Wole Soyinka. .
Facebook Forum