Accessibility links

Breaking News

Amai Mupfumira Vanosunga neZACC Vachipomerwa Huori


Hon Priscah Mupfumira
Hon Priscah Mupfumira

Komisheni inorwisana nehurori yeZimbabwe Anti Corruption, kana kuti ZACC, yasunga gurukota rinoona nezvekushayirwa kwenyika, Amai Priscah Mupfumira, vachipomerwa mhosva yekuita huori.

Amai Mupfumira vanonzi vatorwa kumba kwavo pakati pehusiku nemapurisa ekomisheni inorwisa huori vachinzi vane mhosva dzvakapara.

Sachigaro weZACC, Amai Loice Matanda Moyo, vabvuma kuti komisheni yavo yasunga Amai Mupfumira.

Amai Matanda Moyo, avo vanova mudzimai wegurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, vatiwo vachaburitsa zvakawanda neChishanu sezvo vachiri kuferefeta Amai Mupfumira nenyaya dzakawanda dzine chekuita nehuori vachiti kutaura zvakawanda pari zvino kunovhiringidza kuongorora kwavari kuita nyaya dziri kupomerwa Amai Mupfumira.

Rimwe gweta remuHarare, VaKudzai Kadzere, vati ZACC inofanira kushanda zvakasimba isingatye kana ichizokwanisana kurwisana nehuori munyika.

Amai Mupfumira ndivo munhu mukuru muhurumende wekutanga kusungwa nekomisheni iyi kubva zvayakagadzwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, mwedzi wapera.

Vane ruzivo nedzimwe dzenyaya dziri kupomerwa Amai Mupfumira vanoti Amai Mupfumira vakatarisanawo nemhosva yekusafambisa mari dzemapenjeni zvakanaka kuNational Social Security Authority pavaivambova gurukota rezvevashandi nekugara zvakanaka kwevanhu.

Pakambotaurwa nezvekusafambiswa zvakanaka kwemari yeNSSA iyi muparamende, gurukota rezvevashandi pari zvino, Amai Sekai Nzenza, vakaramba kuburitsa gwaro yeongororo yezvakaitika kuNSSA vachiti nguva yakanga isati yakwana.

Vachitura gwaro remashandisirwo akaitwa mari dzehurumende gore rapera muparamende, mukuru muhofisi ya Auditor and Comptroller General, Amai Mildred Chiri, vakaratidza kushushikanawo nemafambisirwo emari kuNSS

Ukuwo boka revechidiki muZanu PF rakadomawo Amai Mupfumira semumwe wevamwe vanhu vari muZanu PF varaipomera mhosva yehuori vanofanira kuzvichenura.

Sangano remadzimai muZanu PF, reWomen’s League, rakabudawo nechisungo chekuti vese vari kupomerwa mhosva dzekuita huori, vaferefetwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG