Accessibility links

Breaking News

Vanotengesa Zvinhu Voda Rubatsiro Kubva kuHurumende Kuti Vavhare Misika Yavo


Mbare Musika Coronavirus3
Mbare Musika Coronavirus3

Vamwe vanotengesa mumisika mikuru yezvirimwa nembatya vanoti vave kuziva nezvekuipa kwechirwere cheCOVID 19 kana kuti Coronavirus uye vanoti vanobvuma kuti misika yavo mbovharwa kuti vadzivirirwe kubva kuchirwere ichi.

Asi vanoti hurumende inofanira kuvabatsira kuti varambe vachirarama apo misika yavo inenge yakavharwa. Izvi zvinoitika apo kanzura yeHarare yanyorera kuhurumende ichikumbira kuti misika iyi ivharwe senzira yekudzivirira kupararira kweCoronavirus.

Vakawanda vevanhu ava vanoti vanoziva nezvechirwere cheCorovanirus uye vanodawo kudzivirirwa kubva kuchirwere ichi.

VaClemence Bhachi vemumusha weMbare vaudza Studio 7 kuti hapana chakaipa kuti musika umbovharwa kana zvichizoita kuti vazoshandira pakachena pamwe nekudzivirirwa kubva kuzviwrere zvinosanganisira Coronavirus.

Asi vati kuvharwa kwemisika iyi hakufaniri kutora nguva yakareba sezvo pamusika paripo pane raramo yavo.

Vamwe Amai vati vanonzi Amai Vunganai vati vave kutotora matanho ekuzvidzirira kubva kuCoronavirus nekugeza maoko avo kakawanda asi vakati vanodawo maMask ekuvhara muromo ayo vati havakwanisi kuatenga.

Vati hapana chakaipa kuti misika imbovharwa asi vakati panofanira kutorwa matanho ekuona kuti vanorarama panguva iyo misika inenge yakavharwa.

Asi vamwe vakaita saVaPanashe Siziba vati havabvumirani nepfungwa dzekuti misika imbovharwe vachiti chakakosha kuona kuti mimisika yose mave nehutsanana hwakanaka uye kuti vanotengesa vapihwe mbatya dzezvidzivirira.

Mumwewo mutengesi asina kuda kudomwa nezita rake, audza Studio 7 kuvhara misika kana kwezura rimwe chete zvaro kunouuraya mhuri dzakawanda nenzara.

Mukuru werimwe remasangano anomirira vanotengesa mumigwagwa reVendors Initiative for Social and Economic Transformation kana kuti VISET, VaSamuel Wadzai Mangoma, vaudza Studio 7 kuti vanokurudzira nhengo dzesangano ravo kuti dzishande nemakanzuru nehurumende pakudzirivirira kupararira kweCoronavirus.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vanoti vamirira kunzwa kubva kuhurumende mushure mekunge vaisa chikumbiro chekuti misika imbovharwa senzira yekudzivirira kupararira kweCoronavirus.

Kumisika iyi kune vanhu vakawanda izvo zvinonzi nenyanzvi zvinokurudzira kupararira kwechirwere cheCoronavirus.

Kunze kwemisika, dzisvondo vanhuwo vari kuungana mumitsetse kumabhanga pamwe nenzvimbo dzakaita sezvibhorani sezvo makanzuru akawanda munyika ari kutadza kupa vagari mvura yemupombi.

Asi vachitaura nevatori venhau nezuro manheru mushure memusangano wedare remakurukota, gurukota rezvekuburitswa kwemshoka, Amai Monica Mutsvangwa, vakati komiti yakaumbwa nehurumende kutungamira basa rekurwisa Coronavirus iri kutora matanho ese ainokwanisa kugadzirisa.

Chirwere cheCoronavirus chakaonekwa muZimbabwe svondo rapfuura uye kusvika pari zvino pave nevanhu vatatu vabatwa nacho uye mumwe wacho, Zororo Makamba, akashaya neMuvhuro.

Kusvika pari zvino Coronavirus yabata vanhu vanosvika mazana mana nemakumi matatu ezviuru, uye kuuraya vanhu vanodarika zviuru gumi nezvipfumbamwe pasi rose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG