Mumwe mukuru wechechi yeRemnant kuKariba akasungwa muna Zvita achiratidzira ari ega kuVictoria Falls uko kwaiitirwa musangano wepagore weZanu PF, anoti Zimbabwe inoda kuti itongwe nevanhu vane hunyanzvi kuti ibude mumadhaka mairi.
Pastor Patrick Mugadza vakazobuditswa mutirongo neChina mushure mekubhadhara mari yechibatiso inosvika madhora makumi mashanu.
Pastor Mugadza vainge vambonzi namejastiriti mumwe chete iyeye, Amai Lindiwe Maphosa, vabhadhare madhora mazana mashanu ayo vavakatadza kubhadhara.
VaMugadza vakasungwa musi wa 11 Zvita vachipomerwa mhosva yekuita zvemusarinya.
Vaimirirwa mudare redzimhosva negweta, rinoshanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaThulani Nkala,.
Pastor Mugadza vanoti vanoziva kuti zvavari kuita zvinogona kuvatsakatisa sezvakaita kumurwiri wekodzero dzevanhu, VaItai Dzamara.
Asi vanoti nyaya yekuti vane rudo nenyika yeZimbabwe uye kutiwo vamwe, kusanganisira Jesu, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, uye mushakabvu Joshua Nkomo, vakazvipira mukurwisa zvakaipa zvinovapa simba rekuti varambe vachirwa semusambangwena