Accessibility links

Breaking News

Sangano reWALPE Rinoti Vechidzimai Vabate Zvigaro Zvizhinji Kupfuura Vanhurume


WALPE
WALPE

Sangano reWomen’s Academy for Leadership and Political Excellence (WALPE), rinoti kunyange hazvo richifara nezvakaitwa nehurongwa hwekuchengetera vechidzimai zvimwe zvigaro mune zvematongerwo enyika, kana kuti ‘Proportional Representation’, sangano iri rinoda kuona vanhurume nevanhukadzi vachiita hafu hafu, kana kuti 50/50 mune zvese.

Mukuru wesangano iri, Muzvare Sithabile Moyo, vaudza Studio 7 kuti chavarikuda hakusi kuenzaniswa kwevanhukadzi nevanhurume badzi asi kuti, sezvo vanhukadzi vari ivo vazhinji kunyange pakuvhota, vanhukadzi vabate zvinzvimbo zvizhinji kupfuura vanhurume.

Muzvare Moyo vanoti yave nguva yekutarisa mberi uye kuti vanhu vechikadzi vabatwe nenzira iri mubumbiro remutemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG