Accessibility links

Breaking News

VaMutsvangwa neVamwe Vakarwa Hondo Vanoti VaMoyo Ngavadzingwe Basa


Zimbabwe Education Minister Jonathan Moyo
Zimbabwe Education Minister Jonathan Moyo

Rimwe remasangano anomirira vaiva varwiri muhondo yerusununguko reZimbabwe National Liberation War Veterans Association rinoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanofanira kudzinga basa gurukota rezvedzidzo yepamusoro, Muzvinafundo Jonathan Moyo, avo vari kutsoropodza chirongwa chehurumende chekuvandudza nyaya dzekurima cheCommand Agriluculture.

Vachitaura nevatori venhau muHarare neMuvhuro, sachigaro wesangano iri, VaChristopher Mutsvangwa, vati VaMoyo vanofanira kudzingwa basa vachiti kushoropodza kwavari kuita chirogwa cheCommand Agriculture kunoburitsa pachena kuti munhu asingade kuti Zimbabwe ibudirire.

VaMutsvangwa vashora VaMoyo vachiti kushoropodza chirongwa cheCommand Agriculture kuri kuitwa naVaMoyo kuzvidza mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vari kutungamirira komiti yedare remakurukota iri kutungamirira chirongwa ichi.

VaMutsvangwa vati zviri kuitwa naVaMoyo izvi kuzvidza hurumende pamwe nevakarwira kuti muZimbabwe muve nerusunguko.

VaMutsvangwa vati VaMoyo havachakodzere kuti varambe vari muhurumende vakakurudzira kuti VaMugabe vatore matanho nekukasika.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba pamwe naivo VaMoyo kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Asi VaMoyo vakaudza bepanhau reZimbabwe Independent kuti zvichitevera kuunzwa kwepfungwa dzekuita chirongwa ichi mukomiti yepamusoro mubato reZanu PF ye Politburo nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, VaMnangagwa vakabva vatora chirongwa ichi kuchiita chavo uye vachiita zvehuori nevari muchiuto vachisiya bazi rezvekurima rinotungamirwa naVaJoseph Made.

Mashoko aya akazogumbira mukuru wemauto, VaConstantine Chiwenga, vakatsanangurawo VaMoyo semuvengi wehurumende mumashoko akaburitswa mubepanhau reHerald mushure mekunge VaMoyo vadoma vakuru vemasoja sevamwe vari kuita zvehuori naVaMnangangwa panyaya yekugoverwa kwezvekushandisa kana kuti ma inputs pasi pechirongwa cheCommand Agriculture.

Nyanzvi munyaya dzezvetongerwo enyika uye vari mukuru weMedia Center, VaEarnest Mudzengi, vati VaMugabe vari kutadza kutora matanho panaVaMoyo sezvo pane kusawirirana kurimo muZanu PF panyaya yekuti achatora matomhu kubva kwavari ndiani.

Kunyange hazvo VaMoyo naVaChiwenga vakabuda pachena kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muhurumende panyaya yekufambiswa kwechirongwa cheCommand Agriculture, VaMnangagwa havana chavati vataura nezvenyaya iyi.

Asi VaMugabe vakaudza vatsigiri vavo kumusanganop wakaitwa kuMasvingo neChishanu chapfuura kuti chirongwa cheCommand Agriculuture chiri kufamba zvakanaka chose vachiti gurukota rezvekurima, VaJoseph Made, ndivo vari pamberi mukuona kuti zvose zvinodiwa pachirongwa ichi zvaitwa.

Vakatorawo mukana uyu kukurudzira kuti vanhu vabatane mubato ravo umo mave kuitwa bvonda waponda matambiro ezvidhakwa nepamusana penyaya yekuti achatora matomhu kubva kuna ivo VaMugabe ndiani.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG