Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Warriors Yonanga kuRwanda ku2016 Africa Nations Championships


Mubati wehomwe wechikwata cheCaps United, VaMorton Dodzo, vanoti pane zvakawanda zviri kuvapa chivimbo chekuti maWarriors achabudirira rwendo rwuno.

Chikwata chemaWarriors chiri kusimuka neMugovera chakananga kuRwanda kumakundano e2016 Africa Nations Championships uko veruzhinji vari kutarisira mashiripiti.

MaWarriors aifanira kuve akasimuka musi weSvondo svondo rapera, asi izvi hazvina kuitika nemhaka yekushaikwa kwemari sezvo veZifa vaive vasina mari yekuchengeta vatambi ava vari muRwanda mitambo isati yatanga.

Maneja wemaWarriors, VaShariff Mussa, vanoti veConfederation of African Football vanotanga kuchengeta zvikwata mazuva matatu mitambo yavo yekutanga isati yatambwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Izvi zviri kureva kuti Zimbabwe ikasimuka neMugovera, inosvika mazuva matatu mutambo wavo wekutanga neZambia uyo uriko neChipiri usati watambwa.

Veruzhinji vanofarira nhabvu vari kutarisira kuti chikwata chemaWarriors chichadarika pachinhanho cheChina icho vakapedza vari pavakapedzisira kukwikwidza mumakundano aya muna 2014 muSouth Africa.

Nhengo yeZimbabwe National Soccer Supporters Association, VaSteven Musekiwa, vanoti hapana chimwe chavari kutarisira kubva kumaWarriors kunze kwekudzoka kumba nemukombe wakakosha uyu.

Mubati wehomwe wechikwata cheCaps United, VaMorton Dodzo, vanoti pane zvakawanda zviri kuvapa chivimbo chekuti maWarriors achabudirira rwendo rwuno.

MaWarriors akatambidzwa mari yavo yese apo vaive vari mukamba kusanganisira zvekare nemurairdzi wavo, Kalisto Pasuwa, uyo akatambidzwa mari yake yemuhoro uyezve nekutengerwa motokari itsva.

Mutsigiri weDynamos, VaMordecai Musanhu, vanodada naPasuwa vachiti ivo nezvaaita pari zvino vari kuona achiendesa maWarriors mberi kumakwikwi aya anounganidza nyika gumi nenhanhatu.

Asi Pasuwa anoti mutambo wavo neZambia neChipiri wakaoma zvikuru achiti iye vakakunda mumutambo uyu vanosvika mufainari.

Zambia yacho yakadeedza Christopher Katongo uyo aive mutungamiri wevatambi apo chiklwata ichi chakatora mukombe we 2012 Africa Cup of Nations uyezve akatambidzwa mukomwe we African Footballer of the Year wegore iroro.

Katongo, uyo ari kubatana nevatambi vabva kuzvikwata zvishanu zvine mukurumbira muZambia, Green Buffaloes, Zanaco, Zesco, Power Dynamos pamwe ne Green Eagles, akataura vasati vasimuka muSouth Africa nezuro kuti vari kuda kunyora nhoroondo itsva.

Asi nhengo yesangano rinotsigira maWarriors, reZimbabwe National Soccer Supporters Association, VaIsaac Maheya, vanoti Zambia haisi kumira mumutambo uyu.

Asi muongorori wemutambo wenhabvu, VaAndrew Rwodzi, vanoti kusandurwa sandurwa kwakaitwa chikwata chemaWarriors nemhaka yekukuvara kwevamwe vatambi kuchaita kuti maWarriors aomerwe nezvinhu.

Asi vakawanda vanotevera zvenhabvu vanoti chikwata chine vatambi vakaita sa Ronald Chitiyo, Edmore Chirambadare, Ocean Mushure, Knox Mutizwa, Raphael Manuvire, Joel Ngodzo, na Elvis Chipezeze hachisi chekudherera.

Kunze kweZambia, Zimbabwe iri mugungano rimwe chete zvekare neMali neUganda.

Zvikwata zviviri kubva mugungano iri ndizvo zvichaenderera mberi mumakota fainari.

XS
SM
MD
LG