Accessibility links

Breaking News

Zvipatara zveWilkins neParirenyatwa Zvinoti Zvichine Mibhenda yaVarwere veCovid-19


People queue for COVID-19 vaccine shots at Zimbabwe's largest health institution, Parirenyatwa Hospital, in Harare, June 08, 2021. (Columbus Mavhunga/VOA)
People queue for COVID-19 vaccine shots at Zimbabwe's largest health institution, Parirenyatwa Hospital, in Harare, June 08, 2021. (Columbus Mavhunga/VOA)

Kunyange hazvo huwandu hwevanhu vari kubatwa nehirwere cheCovid-19 huri kuramba huchikwira, zvipatara zvekanzuru yeHarare pamwe nechipatara cheParirenyatwa zvinoti zvichine mibhedha yekuchengetera vanenge varwarisa nedenda reCovid-19.

Mukuru anoona nezvehutano mukanzuru yeHarare, Dr Prosper Chonzi, vati chipatara cheWilkins, icho chinokwanisa kutora vanhu makumi matatu nevashanu, chine mibhedha gumi isina vanhu.

VaChonzi vatiwo kuchipatara cheNazareth chine nzvimbo imwe chete yePindai Ward iyo, iyo ine mibhedha makumi maviri, asi hapana varwere veCovid-19 vati vatambirwa panzvimbo iyi.

Mutauriri wechipatara cheParirenyatwa, VaLinos Dhire, vaudza Studio7kuti chipatara chavo, icho chine mibhedha mazana mana nemakumi maviri nemishanu, chichine mibhedha yakawanda isina vanhu.

Parirenyatwa Hospital spokesman, Linos Dhire
Parirenyatwa Hospital spokesman, Linos Dhire

VaDhire vatiwo vanhu vari kubatwa nechirwere ichi rwendo rwuno vakawanda zvichienzaniswa nenguva yapfuura asi vakatihavasati vawandirwa zvekutadza kubatsira vanoda mibhedha.

Mukuru wechipatara cheSally Mugabe, Doctor Christopher Pasi, vati chipatara ichi chakavandudza nzvimbo yekuchengetera varwere veCovid-19 mushure mekuwona huwandu hwevaibatwa nechirwere ichi vachiti nzvimbo idzi dzichatanga kushanda vhiki rinouya.

Mutungamiri weZimbabwe Nurses Association, Va Enoch Dongo, vatiwo hakuna vanhu vari kurambwa kuzvipatara izvi asi vakati zvipatara zvaita seHarare Hospital zvange zviine mibhedha mishoma zvanga zvoita dambudziko repekuchengetera varwere.

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu makumi matanhatu nemumwe, 61, vakafa nechirwere cheCovid-19, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi pazviuru zviviri nemazana masere nemakumi manomwe 2870.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi munyika yose vave zviuru makumi mapfumbamwe nezvitatu nemazana mana nemakumi maviri nemumwe, 93,421, zvichitevera kubatwa kwevanhu zviuru zviviri nemazana matatu nemumwe 2301 nezuro wakare.

Kusvika nezuro, hurumende inoti vanhu vabaiwa nhomba yekutanga vakange vave miriyoni imwe chete nezviuru mazana matatu nemakumi mashanu nezviviri nemazana mashanu neguminevana, 1 352, 514

Vanhu vabaiwa nhomba yepiri vave zviuru mazana matanhatu nemakumi matanhatu nezvina nemazana mashanu nemakumi masere nevanomwe, 664 587.

Huwandu uhwu hunogona kukwira apo hurumende ichazivisa zvabuda muongororo dzanhasi.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhutu kubva muzana kuitira kuti chirwere ichi chisarambe chichipararira munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG