Vanhukadzi vakawanda vari kunyunyuta nekukwira kwaita mitengo yezvinhu zvavanoshandisa panguva yavo yekutevera.
Amai Merit Rumema, avo vane vanasikana vaviri, vaudza Studio7 kuti zviri kuvaomera zvakanyanya kuti vakwanise kutenga zvinhu zvekushandisa panguva yekutevera.
Mumwe mwanasikana, Rutendo Zhou, uyo anoti ange atenderera zvitoro zvakawanda mudhorobha achifunga kuti angawane kwekutenga kwakachipa, ati zvamushamisa zvikuru kuti mapads aaimbotenga nedhora rimwe chete, ave kuita madhora makumi maviri.
Ongororo yaitwa neStudio7 nhasi muzvitoro zvakasiyana-siyana mukati meguta, inoratidza kuti paketi yakachipisa inenge ine mapedzi pakati pemasere negumi, iri kuita madhora gumi nematanhatu, ukuwo pakiti rine matampoons gumi nematanhatu, richiita madhora makumi manomwe.
Mari iyi yakawanda zvikuru takatarisa mamiriro akaita zvinhu munyika panguva iyo vanhu vakawanda vasina mabasa.
Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye inoshanda nesangano re Labour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaNyasha Muchichwa, vati mitengo yezvinhu iri kumhanyidzana nedhora rekuAmerica asi mari inowana veruzhinji iri shoma.
VaMuchichwa vatiwo zvakakosha kuti hurumende ione matanho aingatora kuitira kuti zvinoshandisw nemadzimai panguva dzekutera, zviwanikwe nyore kuitira kuti vanhu vasashandise zvinhu zvisina utsanana.
Studio 7 haina kukwanisa kutaura nemukuru weConsumer Council of Zimbabwe, Amai Rosemary Siyachitema, avo vati vanga vasiri munyika, nokudaro havakwanisi kutaura pamire sangano ravo panyaya yemitengo iyi.
Kunyange hazvo tisina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyanya iyi, gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vakazivisa kuti mubhajeti ra2020 vaizosendeka mari inodarika mamiriyoni mazana mana kuti izotengera vanasikana vekumaruwa vanenge vasingakwanisi kutenga zvekushandisa panguva dzekutevera.
Facebook Forum