Apo Zimbabwe iri kubatana nedzimwe nyikamukucherechedza mazuva gumi nematanhatu ekurwisa mhirizhongonga mudzimba, kana kuti 16 days of Activism against Gender Based Violence, vanhukadzi vanoti kunyange hazvo munyika muine mitemo yakanaka chose yekudzivirira dambudziko iri, madzimai achiri kushungurudzwa zvakanyanya.
Mazuva aya ari kucherechedzwa pasi pedingindira rakanangana nekudzivirirwa kwemhirizhonga pamabasa.
Mukuru weGender Commission, Amai Virginia Muwanigwa, vanoti dambudziko rekushungurudzwa pamabasa kunyanya kuvanhukadzi richakakura.
Amai Muwanigwa vanoti chinonyanyonetsa ndechekuti vanoshungurudzwa pamabasa kazhinji kacho vakabuda pachena vanozorasikirwa nemabasa.
Asi Amai Muwanigwa vati seGender Commission zvisinei nezvimhingaidzo izvi vanokurudzira vanosangana nedambudziko iri kuti vabude pachena.
Vanoona nezvezvirongwa musangano reWomen Coalition of Zimbabwe, Amai SallyNcube, vanotiwo kunyange hazvo mitemo yenyika yakanaka chose, pane dambudziko rekuti mapazi ehurumende anofanirwa kupedza mhirizhonga, haana zvikwanisiro zvakakwana
Muzvare Florence Mudzingwa vanotiwo vanhu vanorarama nehurema vari kuramba vachisangana nemhirizhonga zvakanyanya.
Muzvare Mudzingwa, avo vanoraramawo nehurema, vanoti vanasikana vakaremara vamwe vari kuroodzwa vachiri vadiki izvo zvinoita kuti vasangane nematambudziko.
Gwaro rakabudiswa nerimwe sangano rinoshanda nemadzimai anenge ashungurudzwa, reMusasa Project, rinotiwo huwandu hwemadzimai ari kubatwa chibharo huri kuramba huchikwirira.
Sangano reUnited Nations rinoti muZimbabwe mumwechete pavanasikana vatatu, anoroorwa asati abve zera huye mumwe chete pavakadzi vatanhatu vakazvitakura, anoshungurudzwa.
Sangano iri rinotiwo vakadzi vanomwe pamadzimai gumi vanosangana nemhirizhonga mukurarama kwavo huye zvikamu makumi mana nezvitanhatu kubva muzana zvevarume, zvinobvuma kuti muhupenyu hwavo vakamboshungurudza vanhukadzi.
Facebook Forum