Accessibility links

Breaking News

Vanhukadzi Vokuridzira Hurumende Kuti Ivabatsire Kurapa Gomarara


Mukuru wesangano reStudents Females Network, Muzvare Evernice Munando, vanoti vari kukurudzira hurumende kuti ikwanise kuwanisa vanhukadzi mukana wekuchengetedza hutano hwavo kuitira kuti zuva remadzimai iri rive nezvarinoreva zvakakosha kwavari.

Apo vanhukadzi vemuZimbabwe vari kubatana nevamwe pasi rese mukucherechedza zuva revanhukadzi pasi rose, madzimai emuZimbabwe anoti vachakasarira zvikuru munyaya dzehutano.

Madzimai akawanda anoti kana vasina mukana wekuchengetedza hutano hwavo, hazvigoni kuti vawane mikana yakaenzana nevanhurume, sezviri mudingindira rezuva revanhukadzi pasi rose neChipiri.

Mukuru wesangano reStudents Females Network, Muzvare Evernice Munando, vanoti vari kukurudzira hurumende kuti ikwanise kuwanisa vanhukadzi mukana wekuchengetedza hutano hwavo kuitira kuti zuva remadzimai iri rive nezvarinoreva zvakakosha kwavari.

Mumwe wevanhukadzi vari kunyunyuta nemamiriro akaita zvinhu muhatano hwavanhukadzi, Muzvare Getrude Zhou, vanoti zvinovashungurudza zvikuru kuti gore negore vanhukadzi vari kupemberera zuva iri vachisangana nematambudziko mazhinji munyaya dzehutano.

Muzvare Zhou vanoti gore rino madzimai mazhinji ari kucherechedza zuva ravo vasina hutano hwakanaka kusanganisira vari muzvirongwa zvekuti varapwe nyore.

Mashoko aMuzvare Zhou atsigirwa naMuzvare Fungai Masiya avo vanoti vanhukadzi vari kubatwa nezvirwere zvinodaidzira mari zhinji kuto varapwe.Vanoti dai hurumende yabatsira mukurapwa kwezvirwere zvakaita segomarara.

Asi mumwe mugari wemuHarare, Muzvare Susan Museyamwa, vanoti hurumende yaedza nepainogona napo mukuona kuti huwandu hwavanhukadzi vanofa vakazvitakura hwaderera.

Asi vanoti hurumende inofanirwa kuona kuti yabatsira vanhukadzi vanobatwa nechirwere chegomarara icho chanetsa munyika nepasi rose.

Studio7 haiana kukwanisa kunzwa kugurukota rezvehutano, VaDavid Parirenyatwa.

Madzimai anoti hutano hwakanaka hwunovapa mikana yekukwikwidzana nevanhurume izvo zvinozoita kuti nyika ibudirire.

Bazi revanhukadzi mu United Nations rinoti rinotarisira kuti panozosvikwa gore ra2030 mikana pakati pevanhukadzi nevanhurume inenge yaenzana.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG