Sangano rinomirira vashandi mubazi rekupinda nekubuda munyika, re Immigration Workers Union, rinoti harisi kuzozorora kusvika nyaya yekumbunyikidzwa kwevanhukadzi pabasa yarakatura kumapazi ehurumende akasiyana- siyana ragadziriswa.
Sachigaro weImmigration Workers Union, VaNkosana Mthunzi, vati sangano ravo rakanyorera kumapazi akasiyana-siyana ehurumende asi pari zvino komishini inoona nezvekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume, yeGender Commission, ndiyo yega iri kuongorora nyaya iyi.
VaMthunzi vatiwo kunyange hazvo vakaendesawo tsamba yenyunyuto kumutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, muna Gunyana, havasati vawana mhinduro.
Studio7 yatadza kubata mutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba, kuti tinzwe kuti seyi vasati vapindura tsamba yataurwa naVaMthunzi.
VaMthunzi, avo vakamiswa basa gore rino, vaudzawo vatori venhau kuti kumiswa kwavo basa yanga iri nzira yekuvanyararidza asi vakati kusvika nyaya yekumbunyikidzwa kwevanhukadzi iyi yagadziriswa, havasi kuzonyarara.
Vanoona nezvemitemo nekuongororwa kwenyaya muGender Commission, VaVictor Nkiwane, vanotiwo vatanga basa sezvavanotarisirwa nebumbiro remitemo yenyika rekuongorora panoshungurudzwa madzimai.
VaNkiwane vanoti vakawana humbowo kumadzimai matanhatu huye varume vatatu vanoshanda kuImmigration avo vachamira pamberi pekomishini iyi nenyaya yekushungurudzwa kwevanhukadzi kubazi reImmigration.
Vaimbove mukuru kuImmigration, VaClemence Masango, avo vave mabharani mukuru wehurumende, vari kutarisirwa kuzopawo huchapupu hwavo sezvo nyaya idzi dzakabuda panguva yavaitungamirira bazi iri.
Facebook Forum